2 VaTesaronika 1:7-8
2 VaTesaronika 1:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye agozorodza imi vari kutambudzika, uye nesuwo. Izvi zvichaitika Ishe Jesu paacharatidzwa kubva kudenga mumurazvo womoto unopfuta ane vatumwa vake vane simba. Acharanga vaya vasingazivi Mwari uye vasingateereri vhangeri raIshe wedu Jesu.
2 VaTesaronika 1:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwechete nesu pakuonekwa kwaIshe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Vhangeri yalshe wedu, Jesu
2 VaTesaronika 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Achakupai zororo pamwechete nesu imi muri kuoneswa nhamo kana Tenzi Jesu oratidzwa achibva kudenga navatumwa vake vane simba mumoto unonganduma. Achatsividza avo vasingazivi Mwari navavo vasingateereri Shoko Rakanaka raTenzi wedu Jesu.
2 VaTesaronika 1:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamŋe cete nesu pakuʋonekwa kwaShe Jesu, kana acibva kuɗeŋga naʋatumŋa ʋesimba rake, mumŋoto unopfuta, acitsiʋa aʋo ʋasiŋgaziʋi Mŋari, naʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaShe weɗu, Jesu
2 VaTesaronika 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)