2 VaTesaronika 1:1-4
2 VaTesaronika 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro, Sirasi naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari ivo Baba nokuna Ishe wedu Jesu Kristu. Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura. Naizvozvo, pakati pekereke dzaMwari tinozvirumbidza pamusoro pokutsungirira kwenyu uye nokutenda kwenyu nomukutambudzika kwose nokuedzwa kwamunotsunga makuri.
2 VaTesaronika 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari baba vedu, naIshe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu. Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda; nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
2 VaTesaronika 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu. Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu. Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura. Naizvozvo isu pachedu tinodada nemi mumasangano aMwari nokuda kwokutsungirira kwenyu pakutenda mukutambudzwa kwenyu kose nenhamo dzamunotakurana nadzo.
2 VaTesaronika 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika munaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu Tinofanira kuʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose pamsoro penyu, hama dzaŋgu, seɀaɀakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwaɀo, noruɗo rwenyu mose, mumŋe nomumŋe kunaʋamŋe, runowanda; nokuɗaro isu timene tinoɀirumbidza mamuri pakereke dzaMŋari pamsoro pokutsuŋgirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
2 VaTesaronika 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)