2 Samueri 7:1-7
2 Samueri 7:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mambo akati agara mumuzinda wake uye Jehovha amupa zororo kubva kuvavengi vake vose vakanga vakamupoteredza, akati kuna Natani muprofita, “Tarira ndiri pano ndigere mumuzinda wakavakwa nemisidhari, asi areka yaMwari igere mutende.” Natani akapindura mambo akati, “Endai mberi muite zvose zvamunazvo mupfungwa dzenyu, nokuti Jehovha anemi.” Usiku ihwohwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti: “Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiwe here ungandivakira imba yandingagara? Ini handina kumbogara mumba kubva zuva randabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi. Ndanga ndichifamba munzvimbo nenzvimbo ndichigara mutende. Pose pandaifamba navaIsraeri vose, ndakamboti here kuno mumwe wavatongi vavo vandakarayira kuti vafudze vanhu vangu vaIsraeri, “Makaregerei kundivakira imba yemisidhari?” ’
2 Samueri 7:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo wakati agere mumba make, Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza, mambo akati kumuporofita Natani, “Zvino tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemicheka.” Natani akati kuna mambo, “Endai, muite henyu zvose zviri mumwoyo menyu, nokuti Jehovha anemi.” Zvino nousiku uhwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti, “Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi, uti, ‘Zvanzi naJehovha: Iwe uchandivakira imba mandingagara here?’ Nokuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vana vaIsiraeri Ijipiti kusvikira zuva ranhasi, asi ndaifamba mutende nomutabhenakeri. Pose pandakafamba navana vaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kunomumwe wavatongi vaIsiraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu vaIsiraeri, ndichiti ‘Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?’ ”
2 Samueri 7:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo paakanga zvino anyatsogarawo mumuzinda wake, Tenzi amupawo runyararo kuvavengi vake kumativi ose, akataurira muporofita Natani kuti, “Tarisai muone ini ndachidai kugara mumba yakashongedzwa nomusidhari asi uku bhokisi raMwari rechitenderano rakangoti njo mutendhe zvamo.” Natani akati kuna mambo, “Endai zvenyu muite zvose zviri mumwoyo menyu nokuti Tenzi anemi.” Asi usiku hwakarehwo, shoko raTenzi rakasvika kuna Natani richiti, “Enda utaurire muranda wangu Dhavhidhi kuti zvanzi naTenzi, ndiwe here ungandivakire imba yokugara? Handinaka ini kumbogara mumba kubvira pandakaburitsa vaIsiraeri kuIjipiti kusvikira pari nhasi. Asi kwose kwandanga ndichienda, tendhe ndoyanga ichingova imba yangu yokugara. Kwose kwandakafamba navaIsiraeri vose ndakambotaurawo here chinhu kuvatongi vevaIsiraeri vandaipa basa rokufudza vanhu vangu vaIsiraeri kuti, uri kuregerei kundivakira imba yakashongedzwa nomusidhari?
2 Samueri 7:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo wakati agere mumba make, Jehova amuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋakaŋga ʋakamupoteredza, mambo akati kumuprofita Natani: Ɀino tarira, ini ndigere muimba yomusidari, asi areka yaMŋari igere pakati pemiceka. Natani akati kunamambo: Endai, muite henyu ɀose ɀiri mumŋoyo menyu, nokuti Jehova unemi. Ɀino noʋusiku ubgo shoko raJehova rakaȿika kunaNatani, riciti: Enda undoʋudza muranda waŋgu Davidi, uti: Ɀanzi naJehova: Iwe ucandiʋakira imba mandiŋgagara here? Nokuti handina‐kugara mumba kubva pazuʋa randakandotora ʋana ʋaIsraeri Egipita kuȿikira zuʋa ranhasi, asi ndaifamba mutente nomutabernakeri. Pose pandakafamba naʋana ʋaIsraeri ʋose, ndakatoŋgotaura here shoko rimŋe kunomumŋe waʋatoŋgi ʋaIsraeri, ʋandakaraira kufudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ndiciti: Makaregereiko kundiʋakira imba yomusidari?
2 Samueri 7:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)