2 Samueri 5:6-7
2 Samueri 5:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo navanhu vakafamba vachienda kuJerusarema kundorwisa vaJebhusi, vaigarako. VaJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi muno; kunyange mapofu kana zvirema vanokwanisa kukudzinga.” Vakafunga pachavo vachiti, “Dhavhidhi haambokwanisi kupinda muno.” Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.
2 Samueri 5:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, “Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDhavhidhi.
2 Samueri 5:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda. Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira Guta retsvingo reZioni ndorakarewo rinonzi guta raDhavhidhi.
2 Samueri 5:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye mambo naʋanhu ʋake ʋakaenda Jerusarema kundorwa naʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; iʋo ʋakataura naDavidi, ʋakati: Hauŋgapindi pano, mapofu neɀirema ʋaŋgakudziŋga, nokuti ʋakati, Davidi haaŋgapindi pano. Kunyaŋge ɀakaɗaro Davidi wakakunda nhare yeZioni; ndiro guta raDavidi.
2 Samueri 5:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)