2 Samueri 5:2 - Enzanisa Shanduro Dzose
2 Samueri 5:2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ ”
2 Samueri 5:2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ”
2 Samueri 5:2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kare Sauro aciri mambo weɗu, ndimi maituŋgamirira ʋaIsraeri muciɓuɗa naʋo nokupinda naʋo; Jehova akati kwamuri: Iwe ucafudza ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, nokuʋa mutuŋgamiriri waʋaIsraeri.
2 Samueri 5:2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ”
2 Samueri 5:2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ”