Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 24:24 - Compare All Versions

2 Samueri 24:24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe uye akazvipira namakumi mashanu amashekeri esirivha.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 24 BDSC

2 Samueri 24:24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mambo akati kuna Arauna, “Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga.” Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 24 SNA2002

2 Samueri 24:24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 24 SCLBD

2 Samueri 24:24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mambo akati kunaArauna: Kwete, ndicaɀiteŋga kwauri ɀirokwaɀo nomuteŋgo waɀo, ʋuye handiŋgaɓayiri Jehova Mŋari waŋgu ɀipiriso ɀinopiswa, ɀandisinakuteŋga. Naiɀoɀo Davidi akateŋga ɓuriro nenzombe namashekeri esirveri anamakumi mashanu.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 24 SUB1949

2 Samueri 24:24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 24 SCLB