Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 23:3-4 - Compare All Versions

2 Samueri 23:3-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari, akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 23 BDSC

2 Samueri 23:3-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mwari waIsiraeri wakataura, dombo raIsiraeri rakataura neni, rikati, ‘Mumwe uchavapo, uchabata vanhu zvakarurama, Uchabata ushe achitya Mwari; Uchava sechiedza chamangwanani, kana zuva robuda, Samangwanani kana kusina makore. Kana bumhudza richibuda pavhu Kana mushana wobuda mvura yapera kunaya.’

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 23 SNA2002

2 Samueri 23:3-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mwari weIsiraeri ataura iye Bako reIsiraeri anditi: “Kana munhu achitonga vanhu zvine ruenzaniso achitonga achitya Mwari, anoita sechiedza chemambakwedza sokupenya kunoita zuva, semangwanani asina kana kakore nechiedza chacho nemvura yokunaya ruswiswi runobva rwamera pasi.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 23 SCLBD

2 Samueri 23:3-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mŋari waIsraeri wakataura, Ƌombo raIsraeri rakataura neni, rikati: Mumŋe ucaʋa’po, ucaɓata ʋanhu ɀakarurama, Ucaɓata ʋushe acitya Mŋari; Ucaʋa seciedza camaŋgwanani, kana zuʋa roɓuɗa, Samaŋgwanani kana kusinamakore. Kana ɓumhudza riciɓuɗa pavu Kana mushana woɓuɗa mvura yapera kunaya.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 23 SUB1949

2 Samueri 23:3-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mwari weIsiraeri ataura iye Bako reIsiraeri anditi: “Kana munhu achitonga vanhu zvine ruenzaniso achitonga achitya Mwari, anoita sechiedza chemambakwedza sokupenya kunoita zuva, semangwanani asina kana kakore nechiedza chacho nemvura yokunaya ruswiswi runobva rwamera pasi.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 23 SCLB