2 Samueri 22:26-31 - Compare All Versions
2 Samueri 22:26-31 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha. Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze. Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari.
2 Samueri 22:26-31 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ane ngoni, munomuitirawo ngoni; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha. Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze. Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu. Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanotenda kwaari.
2 Samueri 22:26-31 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Uneŋgoni, munomuitira ʋo ŋgoni; Munhu, wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama; Wakanaka, munomuitira ʋo ɀakanaka; Wakatsauka, munomuitira ʋo hasha. Mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika, Asi meso enyu anoʋona ʋanoɀikudza, kuti muʋaɗeredze. Nokuti muri mŋenje waŋgu, Jehova; Jehova ucavenekera rima raŋgu. Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo. Kana ari Mŋari, nzira yake yakarurama kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanotenda kwaari.
2 Samueri 22:26-31 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kune akatendeka, imi makatendeka, kune akarurama, imi makarurama. Kune ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi munotsvukisira meso vanozvikudza, kuti muvaorore. Sezvo imi Tenzi murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTenzi ndezvechokwadi, inhoo yevose vanopotera kwaari.
2 Samueri 22:26-31 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)