2 Samueri 2:1-7
2 Samueri 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?” Jehovha akapindura akati, “Enda hako.” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndoenda kupi?” Jehovha akapindura akati, “KuHebhuroni.” Naizvozvo Dhavhidhi akaendako navakadzi vake vaviri, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri. Dhavhidhi akatorawo varume vose vaaiva navo, mumwe nomumwe nemhuri yake, akandogara muHebhuroni nomumaguta omo. Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabheshi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro, akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita. Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi. Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”
2 Samueri 2:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, “Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?” Jehovha akati, “Kwira.” Dhavhidhi akati, “Ndokwira kuneripi?” Iye akati, “Hebhuroni.” Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinoami muJezereri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri. Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni. Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha. Vakaudza Dhavhidhi vachiti, “Varume veJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro.” Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshigireadhi, akati kwavari, “Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga. Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi. Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo.”
2 Samueri 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi Dhavhidhi akandobvunza kuna Tenzi kuti “Ndoenda here kune rimwe ramaguta aJudha?” Tenzi ndokumuti, “Enda zvako.” Dhavhidhi ndokuti, “Ndoenda kune ripi?” Tenzi akati, “kuHebhuroni.” Saizvozvo Dhavhidhi akakwidza kuendako pamwechetewo namadzimai ake maviri, vana Ahinoamu wokuJezireeri naAbhigairi chirikadzi iya yaNabhari wokuKarimeri. Dhavhidhi akaendako navanhu vake vaaiva navo munhu wose aine mhuri yake. Vakagara mumaguta okuHebhuroni. Varume vokwaJudha vakauyako vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaJudha. Pavakataurira Dhavhidhi kuti, “Varume vokuJabheshigireadhi ndivo vakaviga Sauro,” Dhavhidhi akatuma nhumwa kuvarume ava vokuJabheshigireadhi akati kwavari, “Tenzi ngaakukomborerei nokuti makaitira Sauro, changamire wenyu mwoyo wakanaka nokumuviga kwamakaita. Tenzi ngaachikuitirai mwoyochena avewo zvake akatendeseka. Iniwo ndichakuitirai zvakanaka pamusana pokuti makaita izvozvi. Saka zvino chishingai mwoyo, muve vanhu vane chivindi, changamire wenyu, Sauro zvaakafa uyewo vokwaJudha zvavakandigadza umambo hwokwawo kuti ndivatonge.”
2 Samueri 2:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shure kwaiɀoɀo Davidi wakabvunza Jehova, akati: Ndokwira kunerimŋe guta raJuda here? Jehova akati: Kwira. Davidi akati: Ndokwira kuneripi? Iye akati: Hebroni. Naiɀoɀo Davidi akakwira’ko, naʋakadzi ʋake ʋaʋiri ʋo, ʋana‐Ahinoami muJezreeri, naAbigairi, mukadzi waNabari muKarmeri. Davidi akakwira ʋo naʋanhu ʋake ʋaiʋa naye, mumŋe nomumŋe neimba yake, ʋakandogara pamaguta eHebroni. Ʋarume ʋaJuda ʋakaʋuya ʋakazodza Davidi’po, kuti aʋe mambo weimba yaJuda. Ʋakaʋudza Davidi, ʋaciti: Ʋarume ʋeJabeshi‐gireadi ndiʋo ʋakaʋiga Sauro. Davidi akatuma nhume kuʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, akati kwaʋari: Muropafadzwe naJehova, ɀamakaitira ishe wenyu Sauro cinhu ici cakanaka, mukamuʋiga. Ɀino Jehova ŋgaakuitirei ʋo ɀakanaka neɀokwaɗi; neni ʋo ndicakuitirai ɀakanaka, ɀamakaita iɀoɀi. Naiɀoɀo ɀino, maʋoko enyu ŋgaaʋe nesimba, muʋe noʋumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, ɀino ʋeimba yaJuda ʋakandizodza, kuti ndiʋe mambo waʋo.
2 Samueri 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)