Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 13:1-39

2 Samueri 13:1-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo. Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu. Zvino Amunoni aiva neshamwari yake yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu akanga ari munhu aiva namano. Akabvunza Amunoni akati, “Seiko, iwe mwanakomana wamambo, uchipunyaira mangwanani oga oga? Haungandiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomununʼuna wangu Abhusaromu.” Jonadhabhu akati, “Enda unorara unyepedzere kurwara. Zvino kana baba vako vauya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye andipe zvokudya. Ndinoda kuti agadzire zvokudya ini ndichiona kuti ndimuone uye ndigodya zvichibva mumaoko ake.’ ” Saka Amunoni akavata pasi akanyepedzera kurwara. Zvino mambo paakauya kuzomuona, Amunoni akati kwaari, “Ndinokumbira kuti Tamari hanzvadzi yangu auye andibikire chingwa chakaisvonaka ndichiona, kuti ndigodya zvichibva mumaoko ake.” Dhavhidhi akatumira shoko kuna Tamari kumba kwamambo akati, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umugadzirire zvokudya.” Zvino Tamari akaenda kumba kwaAmunoni hanzvadzi yake, uyo akanga akarara pasi. Akatora mukanyiwa, akakanya, akaumba chingwa uye akachibika iye achiona. Akatora pani ndokumupa chingwa, asi iye akaramba kudya. Amunoni akati, “Vanhu vose ngavabude muno.” Saka vanhu vose vakabuda. Amunoni ndokubva ati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muno mumba mangu mokurara ndidye zvichibva muruoko rwako.” Zvino Tamari akatora chingwa chaakanga abika akaenda nacho mumba yokurara yehanzvadzi yake Amunoni. Asi akati achimupa kuti adye, iye akamubata akati, “Uya urare neni, hanzvadzi yangu.” Iye akati kwaari, “Kwete, hanzvadzi yangu! Usandichinya. Chinhu chakadai hachifaniri kuitwa muIsraeri! Usaita chinhu chakaipa zvakadai. Ko, ini ndichavei? Uchava somumwe wamapenzi akaipa muIsraeri. Ndapota, taura namambo; haangamborambi kuti ndiroorwe newe.” Asi iye akaramba kumuteerera, uye nokuti akanga ane simba kumudarika, akamubata chibharo. Ipapo Amunoni akabva amuvenga nokuvenga kukuru kwazvo, akamuvenga kupfuura kumuda kwaaiva ambomuita. Amunoni akati kwaari, “Muka uende!” Iye akati kwaari, “Kwete! Kundidzinga muno kwakashata kudarika zvawatondiita nechakare.” Asi iye akaramba kumuteerera. Akadana muranda wake akati kwaari, “Dzinga mukadzi uyu abve muno uye ukiye mukova kana achinge abuda.” Ipapo muranda wake akamubudisa panze akakiya mukova shure kwake. Akanga akapfeka nguo yaikosha zvikuru yaipenya, nokuti ndidzo nguo dzaipfekwa navanasikana vamambo vaiva mhandara. Tamari akazvizodza madota akabvarura nguo inokosha yaakanga akapfeka. Akabata musoro wake ndokuenda achichema zvikuru. Hanzvadzi yake Abhusaromu akati kwaari, “Ko, ndiAmunoni, hanzvadzi yako, anga anewe here? Chinyarara zvako, hanzvadzi; iye ihanzvadzi yako. Usanyanyozvidya mwoyo nazvo.” Uye Tamari akagara mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake, akava mukadzi akasurukirwa. Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo. Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari. Mushure mamakore maviri; vaveuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko. Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vaveuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?” Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza. Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu mununʼuna wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko nemi?” Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo. Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.” Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza. Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.” Mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake akazvambarara pasi; ipapo varanda vake vose vakauya vaine nguo dzakabvaruka vakamira paari. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni. Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.” Panguva iyoyo, Abhusaromu akatiza. Zvino murume akanga amire akarinda akatarira kumusoro akaona vanhu vazhinji mumugwagwa nechokumavirazuva kwake, vachiburuka norutivi rwegomo. Nharirire iyi yakaenda ikandoudza mambo kuti, “Ndiri kuona varume kunzira yeHoronaimu, kurutivi rwegomo.” Jonadhabhu akati kuna Mambo, “Tarirai, vanakomana vamambo vasvika; zvaitika sokutaura kwomuranda wenyu.” Akati achipedza kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachiungudza zvikuru. Zvino mambo pamwe chete navaranda vake vakachema neshungu kwazvo. Abhusaromu akatiza akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi, mambo weGeshuri. Asi mambo Dhavhidhi akachema pamusoro pomwanakomana wake mazuva ose. Mushure mokunge Abhusaromu atiza akaenda kuGeshuri, akandogarako kwamakore matatu. Uye mweya wamambo wakashuva kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti zvino akanga anyaradzwa pamusoro porufu rwaAmunoni.

2 Samueri 13:1-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda. Amoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amoni akaona kuti haangamuiti chinhu. Asi Amoni wakanga ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakanga ari munhu waiva namano. Iye akati kwaari, “Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?” Amoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun’una wangu Abhusaromu.” Jonadhabhu akati kwaari, “Vata panhoo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.’ ” Naizvozvo Amoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amoni akati kuna mambo, “Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.” Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, “Enda zvino kumba kwaAmoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.” Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa. Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amoni akati, “Vanhu vose ngavabude kwandiri.” Vanhu vose vakabuda kwaari. Amoni akati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako.” Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmoni hanzvadzi yake. Zvino wakati aswedera pedyo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, “Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.” Iye akamupindura akati, “Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nokuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa. Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nokuti ivo havangandinyimi iwe.” Asi wakaramba kuteerera izwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye. Ipapo Amoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nokuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amoni akati kwaari, “Muka, uende.” Iye akati kwaari, “Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira.” Asi wakaramba kumuteerera. Zvino akadana muranda wake wakanga achimubatira, akati, “Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.” Zvino iye wakanga ane nguo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva. Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema. Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, “Amoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya mwoyo nemhaka yechinhu ichi.” Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake. Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo. Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amoni, nokuti wakanga achiva hanzvadzi yake Tamari. Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakanga ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedyo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo. Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, “Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.” Mambo akati kuna Abhusaromu, “Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza.” Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake. Zvino Abhusaromu akati, “Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amoni aende nesu.” Mambo akati kwaari, “Iye unofanira kuendireiko newe?” Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye. Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, “Tarirai zvakanaka zvino, kana mwoyo waAmoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amoni!’ Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.” Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza. Zvino vakati vachiti munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi rokuti, “Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.” Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguo dzakabvarurwa. Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, “Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari. Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amoni woga ndiye wafa.” Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make. Jonadhabhu akati kuna mambo, “Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.” Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo. Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose. Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu. Mwoyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmoni, achiti wafa hake.

2 Samueri 13:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure maizvozvi zvakazoitika ndezvokuti Abhusharomu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanaka kwazvo yainzi Tamari yakadiwa nomumwewo mwanakomana waDhavhidhi ainzi Amunoni. Amunoni uyu akarwadziwa mwoyo chaizvo zvokutosvika pakurwara pamusana paTamari hanzvadzi yake. Zvakanga zviripo ndezvokuti sokuona kwaAmunoni hapana chaaigona kuita nokuti Tamari akanga achine umhandara hwake. Zvino Amunoni akanga aine shamwari yake yechikomana yainzi Jonadhabhu mwana waShimea mukoma waDhavhidhi. Jonadhabhu uyu akanga ari munhu akasvinuka zvikuru kwazvo. Akati kuna Amunoni, “Mwana wamambo kudai unosuruvarirei mangwanani oga oga? Haundiudzewo here?” Amunoni akati kwaari, “Mwoyo wangu uri pana Tamari, hanzvadzi yomukoma wangu Abhusharomu.” Jonadhabhu akamurunya kuti, “Enda pamubhedha wako urare unge munhu arwara. Kana baba vako vazokutaurira woti kwavari, madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondipawo zvokudya, andibikirewo zvokudya ndiripo ndichiona, ndidye iye akandibatira.” Amunoni akandorara akanyepera kurwara. Pakauya mambo kuzomumaira, Amunoni akati kwaari, “Madii kuti hanzvadzi yangu Tamari auye kuzondibikira zvingwa zviviri ndichiona, ndidye akandibatira.” Dhavhidhi akabvawo atumira shoko kumba kuna Tamari rokuti, “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amunoni umubikire zvokudya.” Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni kuya kwaakanga ari, arere. Akakanya mukanyiwa akaumba zvingwa iye achiona akabva abika zvingwa izvi. Tamari akatora pani akamuperekera chingwa asi akaramba kudya. Amunoni akati, “Vamwe vose ngavabude muno mandiri!” Saizvozvowo munhu wose akabudamo maaiva. Amunoni ndokuti kuna Tamari, “Ndiigirewo zvokudya mumba muno kuti ndidye wakandibatirawo.” Tamari akatorawo zvingwa zvaakanga abika zviye ndokuigira hanzvadzi yake Amunoni mumba make. Asi paakati achisvika nazvo pedyo naye kuti achidya, akabva amuti kachi akamuti, “Hanzvadzi uya tirare tose.” Tamari akamuti, “Aiwa hanzvadzi! Rega kundibata chibharo. Zvakadai hazvifaniri kuitwa muIsiraeri. Usaite urombe hwakadai. Ko unoti ndinganyarire kupi? Kana uriwe ndopauchabva wava rimwe zirombe chairo muIsiraeri. Zvinoka ndateterera zvangu, dai wataura zvako namambo nokuti haangarambe kuti ndive wako.” Asi akaramba kumunzwa uye aiva ane simba kupfuura iye akamumanikidza akatadza naye. Amunoni akabva amuvenga zvokuvenga zviya zvokuti kumuvenga kwaakanga ava kuita kwakanga kwakura kupfuura kumuda kwaaita. Amunoni uyu ndokumuti, “Simuka, chibva pano.” Asi iye akati, “Kweteka hanzvadzi, nokuti kundidzinga kwawava kuita uku chinhu chakaipa kutopinda zvawaita kwandiri.” Asi haana kumunzwa. Amunoni akadaidza jaya akati “Buritsa mukadzi uyu muno mandiri uise chihuri.” Izvozvo akanga akapfeka mujiza wake murefu una maoko marefu nokuti vakunda vamambo vainge vachine umhandara vaipfeka mijiza yakadaro. Muranda wake akabva amuburitsa panze ndokuisa chihuri. Tamari akazvidira dota mumusoro akabvarura mujiza uye waakanga akapfeka akabata gotsi ndokuti mhere povo kuchema achienda kudaro. Hanzvadzi yake, Abhusharomu akamuti, “Asi Amunoni hanzvadzi yako atorana newe here? Chinyarara zvako hanzvadzi, inga ihanzvadzi yako wani. Rega zvako kuzvidya mwoyo nazvo.” Nokudaro Tamari akazogara ari munhu akasuruvara kwazvo pamba pehanzvadzi yake Abhusharomu. Zvose izvi pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akaviruka nehasha. Asi Abhusharomu haana chakaipa kana chakanaka chaakatara kuna Amunoni nokuti akanga atoita daka naAmunoni nokuti akanga abata hanzvadzi yake, Tamari chibharo. Mushure memakore maviri azere, Abhusharomu akanga ana vaveuri vake vehwai kuBhaarihazori pedyo nokwaEfuraimu. Abhusharomu akakokako vanakomana vamambo. Abhusharomu akasvika kuna Mambo akati, “Changamire, ini muranda wenyu ndine vaveuri vehwai. Zvino ndiri kukumbira kuti imi mambo namakurukota enyu tiende tose ikoko neni muranda wenyu.” Asi akati kuna Abhusharomu, “Kwete, mwanangu hatingaendiko tose tose, tingadaro tikakuremedza.” Abhusharomu akaramba ongovavarira kumukumbira; asi iye akaramba kuenda akamuti afambe zvake zvakanaka. Abhusharomu ndokuti, “Kana musingaende chiregai tiende nomunun'una wangu, Amunoni.” Mambo akamuti, “Chaunodira kuenda naye chacho chii?” Asi Abhusharomu akaramba avavarira kumukumbira kusvikira abvumira Amunoni navamwe vanakomana vamambo vose kuti vaende zvavo naye. Abhusharomu akati kuvaranda vake, “Munofanira kucherechedza Amunoni, kana zvino afarisa newaini, ini ndikakutii pfuudzai Amunoni, mobva mamupfuudza. Musatye, ndini ndinenge ndakutumai, muite chivindi, muite mwoyo wechirume.” Saizvozvo varanda vaAbhusharomu vakaita kuna Amunoni sezvavakanga vaudzwa naAbhusharomu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakati dzvamu warandanda votasva manyurusi avo votiza. Vachiri munzira, kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko raiti, “Abhusharomu auraya vanakomana vose vamambo hakuna nomumwe wavo asara.” Mambo akabvarura hanzu dzake akati pasi zvambarara. Makurukota ake ose akanga akamukuta akabvarurawo hanzu dzawo. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi akati, “Changamire regai zvenyu kufunga kuti vauraya majaya enyu ose, vana venyu mambo, nokuti Amunoni chete ndiye afa. Honzeri yacho ndiAbhusharomu anga ane pfundipfundi naye kubvira zuva raakabata hanzvadzi yake Tamari chibharo. Saka zvino, mambo changamire, regai zvenyu kuzvidya mwoyo muchifunga kuti vanakomana venyu mambo vose vafa, nokuti Amunoni ndiye chete afa.” Izvozvo Abhusharomu akanga atotiza. Rimwe jaya rakanga richichengetedzapo rakatarisa onei mhomho yavanhu ichiuya nokunzira yeseri kwake ichiteremuka mugomo. Jonadhabhu akati kuna mambo, “Havoka vanakomana vamambo vari kuuya avo sezvandamboreva ini muranda wenyu, ndozvabva zvaitika izvi.” Achangoti pedzei kutaura vanakomana vamambo vaya vakabva varoverera kusvika, ndiye mhere povo. Mambowo namakurukota ake vakachema zvakanyanya kwazvo. Izvozvo Abhusharomu akanga atotizira kuna Tarimai mambo wokuGeshuri mwanakomana waAmihudhi. Dhavhidhi akaita mazuva achichema mwanakomana wake. Naizvozvo Abhusharomu akatizira kuGeshuri akagarako makore matatu. Mambo Dhavhidhi akava nechisuwo chokuona Abhusharomu nokuti shungu yake yokuchema Amunoni yakanga zvino yapera nokuti akanga azvionawo kuti kufa kwaakatoita uku.

2 Samueri 13:1-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino shure kwaiɀoɀo Absaromi mŋanakomana waDavidi wakaŋga anehanɀadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amnoni mŋanakomana waDavidi akamuɗa. Amnoni akatambudzika, akarwara pamsoro paTamari hanɀadzi yake; nokuti yakaŋga iri mhandara, Amnoni akaʋona kuti haaŋgamuiti cinhu. Asi Amnoni wakaŋga aneshamŋari, yainzi Jonadabi mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi; ɀino Jonadabi wakaŋga ari munhu waiʋa namano. Iye akati kwaari: Nhandi, mŋanakomana wamambo, wakawondereiko kuɗai mazuʋa ose? Hauŋgandiʋudzi here? Amnoni akati kwaari: Ndinoɗa Tamari, hanɀadzi yomunuŋuna waŋgu Absaromi. Jonadabi akati kwaari: Ʋata panhoʋo dzako, uɀiite somunhu unorwara; ɀino kana ɓaɓa ʋako ʋakaȿika kuzokuʋona, uti kwaʋari: Ndinokumbira kuti hanɀadzi yaŋgu Tamari aʋuye, andipe ɀokudya, ndidye, agadzire ɀokudya pamberi paŋgu, ndiɀiʋone, ndiɀidye pamaʋoko ake. Naiɀoɀo Amnoni akaʋata pasi, akaɀiita somunhu unorwara; ɀino mambo wakati aciȿika kuzomuʋona, Amnoni akati kunamambo: Ndinokumbira kuti Tamari, hanɀadzi yaŋgu aʋuye, andiɓikire ɀiŋgwa ɀiʋiri ndiciɀiʋona, kuti ndidye pamaʋoko ake. Davidi akatuma shoko kumusha kunaTamari, akati: Enda ɀino kumba kwaAmnoni hanɀadzi yako, umugadzirire ɀokudya. Naiɀoɀo Tamari akaenda kumba kwehanɀadzi yake Amnoni; iye akaŋga aʋete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaʋumba ɀiŋgwa aciɀiʋona, akaɓika ɀiŋgwa. Akatora gaŋgo, akaɀiɗurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amnoni akati: Ʋanhu ʋose ŋgaʋaɓuɗe kwandiri. Ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa kwaari. Amnoni akati kunaTamari: Ʋuya neɀokudya muimba yokuʋata, kuti ndidye pamaʋoko ako. Tamari akatora ɀiŋgwa ɀaakaŋga aɓika, akaʋuya naɀo mumba mokuʋata maAmnoni hanɀadzi yake. Ɀino wakati asweɗera pedyo kwaari naɀo, iye akamuɓata, akati kwaari: Ʋuya uʋate neni, hanɀadzi yaŋgu. Iye akamupindura, akati: Kwete, hanɀadzi yaŋgu, usandicinya; nokuti cinhu cakaɗai hacifaniri kuitwa pakati paIsraeri; usaita cinhu ici cakaipa. Neni ndicaendepiko nokunyara kwaŋgu? Kana uri’we, ucaʋa seɓenzi pakati paIsraeri. Naiɀoɀo ɀino, ɗotaura hako namambo; nokuti iʋo haʋaŋgandinyimi iwe. Asi wakaramba kuterera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akaʋata naye. Ipapo Amnoni akamuʋeŋga nokuʋeŋga kukuru kwaɀo; nokuti kuʋeŋga kwaakamuʋeŋga nako, kwakapfuʋura ruɗo rwaaimuɗa narwo. Amnoni akati kwaari: Muka, uende. Iye akati kwaari: Kwete, nokuti cinhu ici cokundidziŋga cikuru kunececo cawandiitira. Asi wakaramba kumuterera. Ɀino akaɗana muranda wake wakaŋga acimuɓatira, akati: Dziŋga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukoʋa kana abva. Ɀino iye wakaŋga aneŋguʋo yakareɓa inamaʋoko, nokuti ʋakunda ʋamambo, ʋaiʋa mhandara, ʋaifuka ŋguʋo dzakaɗai. Muranda wake akamuɓuɗisa, akakiya mukoʋa abva. Ɀino Tamari akaisa maɗota pamusoro wake, akabvarura ŋguʋo yake yakareɓa inamaʋoko, akaɓata ruʋoko rwake pamusoro wake, akaenda acicema. Absaromi hanɀadzi yake, akati kwaari: Amnoni hanɀadzi yako wakaŋga ari kwauri here? Cinyarara hako, hanɀadzi yaŋgu; iye ihanɀadzi yako, usaɀidya mŋoyo nemhaka yecinhu ici. Naiɀoɀo Tamari akagara ari oga mumba maAbsaromi hanɀadzi yake. Asi mambo Davidi wakati acinzwa iɀi ɀose, akatsamŋa kwaɀo. Asi Absaromi haana‐kutaura cinhu cakanaka kana cakaipa kunaAmnoni; nokuti Absaromi wakaʋeŋga Amnoni, nokuti wakaŋga acinya hanɀadzi yake Tamari. Ɀino makore maʋiri akati apfuʋura, Absaromi wakaŋga anaʋaʋeʋuri ʋamakwai paBaari‐hazori pedyo naEfraimi; Absaromi akakoka ʋana ʋose ʋamambo. Absaromi akaenda kunamambo, akati: Tarirai ɀino, muranda wenyu unaʋaʋeʋuri ʋamakwai; ndinokumbira kuti mambo naʋaranda ʋake ʋaende nomuranda wenyu. Mambo akati kunaAbsaromi: Kwete, mŋana waŋgu, ŋgatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake. Ɀino Absaromi akati: Kana musiŋgaɗi henyu, ndinokumbira kuti mukoma waŋgu Amnoni aende nesu. Mambo akati kwaari: Iye unofanira kuendireiko newe? Asi Absaromi akamukurudzira, akatendera Amnoni naʋamŋe ʋana ʋose ʋamambo kuenda naye. Ɀino Absaromi akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tarirai ɀakanaka ɀino, kana mŋoyo waAmnoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri: Ʋurayai Amnoni! imi munofanira kumuʋuraya, musatya henyu; handizi’ni ndakakurairai here? Tsuŋgai, muʋe noʋumhare. Ɀino ʋaranda ʋaAbsaromi ʋakaitira Amnoni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naAbsaromi. Ipapo ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋakasimuka, mumŋe nomumŋe akakwira mboŋgoro yake, ʋakatiza. Ɀino ʋakati ʋaciri munzira, shoko rikaȿika kunaDavidi rokuti: Absaromi waʋuraya ʋanakomana ʋose ʋamambo, hakuna‐wakasara kwaʋari kunyaŋge nomumŋe. Ipapo mambo akasimuka, akabvarura ŋguʋo dzake, akaʋata pasi; naʋaranda ʋake ʋose ʋakamira’po neŋguʋo dzakabvarurwa. Asi Jonadabi, mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi, akapindura, akati: Ishe waŋgu ŋgaarege kuti ʋaʋuraya majaya ose, iʋo ʋana ʋamambo; nokuti Amnoni woga ndiye wafa, nokuti Absaromi wakaʋaʋarira iɀoɀo kubva pazuʋa rakaacinya hanɀadzi yake Tamari. Ɀino ishe waŋgu mambo ŋgaarege kuɀidya mŋoyo pamsoro pecinhu ici, aciti ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋafa, nokuti Amnoni woga ndiye wafa. Asi Absaromi wakatiza. Ɀino jaya rakaŋga rakarindira rakatarira, rikaʋona ʋanhu ʋazhinji ʋaciʋuya nenzira yegomo mushure make. Jonadabi akati kunamambo: Tarirai, ʋana ʋamambo ʋaȿika; ɀaitika seɀakataura muranda wenyu. Wakati apedza kutaura, ʋana ʋamambo ʋakaȿika, ʋakacema kwaɀo; namambo ʋo naʋaranda ʋake ʋose ʋakacema ʋo kwaɀo. Asi Absaromi wakatiza, akaenda kunaTarmai mŋanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Davidi akacema mŋanakomana wake mazuʋa ose. Naiɀoɀo Absaromi akatiza, akaenda Geshuri, akagara’po makore matatu. Mŋoyo wamambo Davidi ukaɗa kwaɀo kuenda kunaAbsaromi, nokuti wakaŋga anyaradzwa pamsoro paAmnoni, aciti wafa hake.

2 Samueri 13:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)