2 Petro 3:1-13 - Compare All Versions
2 Petro 3:1-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. Vachati, “Kuripiko ‘kuuya’ kwaakavimbisa? Kubvira pakufa kwakaita madzibaba edu, zvinhu zvose zvinoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakusikwa kwenyika.” Asi vanokanganwa nobwoni kuti kare neshoko raMwari denga rakavapo uye nyika ikaumbwa ichibva mumvura uye ikaitwa nemvura. Nemvura zhinji iyoyi, nyika yenguva iyoyo yakamedzwa uye ikaparadzwa. Neshoko rimwe chete irori denga riripo zvino nenyika zvakachengeterwa moto, zvakachengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.
2 Petro 3:1-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadikanwi, iyi ndiyo tsamba yechipiri yandinokunyorerai zvino; pane idzodzi dzose mbiri ndinomutsa ndangariro dzenyu ndichikuyeudzirai; kuti mugorangarira mashoko akataurwa kare navaporofita vatsvene, nomurayiro waIshe, Muponesi, wamakapiwa navapostori venyu; pakutanga muzive henyu chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti, “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” Nokuti vanokanganwa nohwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo, nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; nazvo nyika, yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa moto neshoko irori, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. Asi vadikanwi, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kuna Ishe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe. Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti, “Anonoka, asi ano mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” Asi zuva raIshe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa. Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambiro wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa. Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
2 Petro 3:1-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Vadikanwi iyi ndiyo tsamba yechipiri ndichikunyorerai. Uye madziri dzose dziri mbiri, ndakamutsa mamuri mafungiro akarurama nokukuyeuchidzai kuti muyeuke zvakafanotaurwa navaporofita vatsvene nomutemo waTenzi, Muponesi, waakapa nokuvapositori venyu. Pokutanga, nzwisisai izvi zvokuti, mumazuva okupedzisira kuchauya vanhu vanonyomba vachitevera havi dzavo vachikutii, “Ko zvaakatsidza kuti achauya, ko achauya rini. Chinguri chakafa madzitateguru zvinhu zvose zviri kungoenderera mberi sezvazvakanga zvakangoita kubvira pasi pachitanga kusikwa. Vanoramba, ivo vachiziva zvavo kuti matenga akavapo kare kare nokuda kwezwi raMwari uye kuti pasi pakaitwa pachibva mumvura uye pachishandiswa mvura.” Yakaita kuti nyika yakanga iripo ifukidzwe nemvura ikaparara. Asi nezwi rimwechetero denga napasi zviripo iye zvino, zvakachengeterwa kuti zvipiswe nomoto. Zvakachengetwa kusvika pazuva rokutonga, zuva rokuparadzwa kwavasinganamati Mwari. Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete. Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka. Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa. Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari makamirira muchisuwira kuuya kweZuva raMwari richazoita kuti matenga abatire moto agoparadzwa uye zvomudenga zvichanyungurutswa nomoto. Asi maererano nechitsidzo chake tinomirira denga idzva nenyika itsva, ururami muri imo mumusha mawo.
2 Petro 3:1-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋaɗikanwa, iyi ndiyo ŋwadi yecipiri yandinokunyorerai ɀino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndaŋgariro dzenyu ndicikuyeʋudzirai; kuti mugoraŋgarira mashoko akataurwa kare naʋaprofita ʋatȿene, nomurairo waShe, Muponesi, wamakapiwa naʋaapostora ʋenyu; pakutaŋga muziʋe henyu cinhu ici, kuti pamazuʋa okupedzisira ʋaseki ʋacaʋuya ʋaciseka, ʋacifamba nokuciʋa kwaʋo, ʋaciti: Cipikirwa cokuʋuya kwake ciripiko ɀino? Nokuti kubva pakuparara kwamadziɓaɓa, ɀinhu ɀose ɀinoŋgoramba ɀakaita seɀaɀakaŋga ɀakaita kubva pakutaŋga kwokusikwa. Nokuti ʋanokaŋganwa nobgoni cinhu ici, kuti kare ɗeŋga raiʋa’po, nenyika yakaɓuɗiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMŋari; naɀo nyika, yaiʋa’po ŋguʋa iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; asi ɗeŋga, riri’po ɀino, nenyika, ɀakaʋigirwa mŋoto neshoko ireri, ɀinoceŋgetererwa zuʋa rokutoŋga, nerokuparadzwa kwaʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari. Asi ʋaɗikanwa, musakaŋganwa cinhu cimŋe ici, kuti kunaShe zuʋa rimŋe rakaita samakore anecuru, namakore anecuru sezuʋa rimŋe. Ishe haanonoki kuita seɀaakapikira, seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti: Hunonoka; asi unomŋoyo murefu kwamuri, nokuti haaɗi kuti ʋamŋe ʋarashike, asi kuti ʋose ʋatendeʋuke. Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa. Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari, imi munotarira nokushuʋa ʋo kwaɀo kuʋuya kwezuʋa raMŋari; naro ɗeŋga ricaparadzwa nokutȿa, neɀeɗeŋga ɀicanyauka ɀicipiswa. Asi seɀaakapikira, tinotarira ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, munogara kururama maɀiri.
2 Petro 3:1-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)