2 Petro 2:21-22
2 Petro 2:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari. Tsumo iyi ndeyechokwadi kwavari inoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” uye “Nguruve yakanga yashambidzwa yadzokerazve kunoumburuka mumatope.”
2 Petro 2:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo. Zvinorehwa neshumo yechokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti, “Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo,” “Nenguruve yakanga yashambidzwa, kuumburuka mumatope.”
2 Petro 2:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa. Zvinorehwa netsumo zvinenge zvava zvechokwadi zvinoti: “Imbwa inodya marutsi ayo. Uye Nguruve inenge yashambidzwa inoenda kundoumburuka mumatope.”
2 Petro 2:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀaiʋa nani kwaʋari kana ʋasaiziʋa nzira yokururama, pakuti ʋadzoke pamurairo mutȿene waʋakapiwa, waʋakaŋga ʋambouziʋa haʋo. Ɀinorebga neshumo yaɀokwaɗi ndiɀo ɀakaitwa kwaʋari, ɀinoti: Imbga yakadzokera kumarutsi ayo, neŋguruʋe yakaŋga yashambidzwa, kukuʋumburuka mumatope.
2 Petro 2:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)