2 Petro 1:13-14
2 Petro 1:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno, nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.
2 Petro 1:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinoti zvakanaka, kuti ndichiri mutabhenakeri ino ndikumutsei nokukuyeudzai; ndichiziva kuti kubviswa kwetabhenakeri yangu kwava pedyo, sezvandakaratidzwa naIshe wedu Jesu Kristu.
2 Petro 1:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinofunga kuti zvakanaka pandinenge ndichiri mupenyu kudai, kukumutsai mwoyo kuri kukuyeuchidzai sezvandinoziva kuti kubva kwangu mumuviri uno wandiri, kuri pedyo sokuratidzwa kwandakaitwa naTenzi wedu Jesu Kristu.
2 Petro 1:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoti ɀakanaka, kuti ndiciri mutabernakeri ino ndikumutsei nokukuyeʋudzai; ndiciziʋa kuti kubviswa kwetabernakeri yaŋgu kwaʋa pedyo, seɀandakaratidzwa naShe weɗu Jesu Kristu.
2 Petro 1:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)