2 Madzimambo 25:22-24
2 Madzimambo 25:22-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha. Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo. Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”
2 Madzimambo 25:22-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana vari vanhu vakasiyiwa panyika yaJudha, vakasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo. Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo. Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, “Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu.”
2 Madzimambo 25:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kune vokwaJudha vakasara vasiyiwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani akasarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuva mutongi. Pakanzwa vakuru vakuru vose vezvikwata zvehondo navarwi vavo kuti mambo weBhabhironi akasarudza Gedhariya kuva mutongi, vakauya kuna Gedhariya kuMizipa. Kwaiti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea, kwoti Seraya mwanakomana waTanihumeti wokuNetofa naJaazaniya mumwe murume wechizvarwa chokwaMaaka. Gedhariya akatsidzira ivo navarwi vavo kuti, “Musatye zvenyu vakuru vakuru vechiKaridhea ava. Chenyu imi kugara munyika muno muchishandira zvenyu mambo weBhabhironi zvichakunakirai.”
2 Madzimambo 25:22-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ʋari ʋanhu ʋakasiyiwa panyika yaJuda, ʋakasiyiwa naNebukadnezari mambo weBabironi, wakaita Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, muɓati waʋo. Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋanzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga aita Gedari muɓati waʋo, ʋakaenda kunaGedaria paMizpa, ʋaiti: Ishmaeri mŋanakomana waNetania, naJohanani mŋanakomana waKarea, naSeraya mŋanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mŋanakomana womuMaakati, iʋo naʋanhu ʋaʋo. Gedaria akapika kwaʋari, iʋo naʋanhu ʋaʋo, akati kwaʋari: Regai kutya nokuɗa kwaʋaranda ʋaʋaKardea; garai panyika, mushumire mambo weBabironi, mugofara henyu.
2 Madzimambo 25:22-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)