2 Madzimambo 13:20-21
2 Madzimambo 13:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Erisha akafa akavigwa. Zvino hondo dzavaMoabhu dzakanga dzichipinda munyika kutanga kwegore roga roga. Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore. Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhu, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha, zvino munhu uyo wakati achigunzva mapfupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Erisha akafa zvake vakamuviga. Zvikwata zvokupamba zvevaMoabhu zvaipota zvichiuya munyika umu mumwaka wepfumvunza. Zvino kwakati mumwe murume achindovigwa ndokuona hecho chikwata chokupamba. Vakangokanda murume uyu muguva raErisha akaenda akaguma mapfupa aErisha akabva amuka ndokumira chaizvo namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Erisha akafa, ʋakamuʋiga. Ɀino hondo dzaʋaMoabi dzikapinda munyika pakutaŋga kwegore. Ɀino mumŋe musi ʋakati ʋaciʋiga munhu, ʋakaʋona hondo yaʋaMoabi, ʋakakandira munhu mubgiro bgaErisha; ɀino munhu uyo wakati acigunɀa mafupa aErisha, akararama ɀe, akamira namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)