2 Johani 1:8-9
2 Johani 1:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.
2 Johani 1:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye anaBaba noMwanakomana.
2 Johani 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere. Ani naani anowedzera zvomusoro wake asingarambe ari mune zvinodzidziswa naKristu, haana Mwari. Munhu anoramba ari mune zvinodzidziswa naKristu ana Baba naMwanakomana.
2 Johani 1:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana. Mumŋe nomumŋe, unotuŋgamirira ʋamŋe, asiŋgarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMŋari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa, ndiye unaƂaɓa noMŋanakomana.
2 Johani 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)