2 Johani 1:7-8
2 Johani 1:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.
2 Johani 1:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu. Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana.
2 Johani 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere.
2 Johani 1:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ʋanyeŋgeri ʋazhinji ʋakaɓuɗira munyika, ʋasiŋgapupuri kuti Jesu Kristu wakaʋuya panyama. Ndiye munyeŋgeri naantikristu. Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana.
2 Johani 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)