2 VaKorinde 9:6-9 - Compare All Versions
2 VaKorinde 9:6-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji. Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro. Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; kururama kwake kunogara nokusingaperi.”
2 VaKorinde 9:6-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino rangarirai chinhu ichi: Anodyara zvishoma, achachekawo zvishoma; anodyara zvizhinji, achachekawo zvizhinji. Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga mumwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro. Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Iye akaparadzira, iye akapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.”
2 VaKorinde 9:6-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Chiripo ndechokuti munhu anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma; anodyarawo zvakawanda achakohwawo zvakawanda. Mumwe nomumwe anofanira kuita sokuzvisarudzira kwaakaita mumwoyo make, kwete seasingadi kana seanomanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara. Mwari anogona kukupai makomborero ose akawanda kwazvo kuti nguva dzose muve nezvinokwana muchikwanisawo kuwana zvinhu zvinodiwa pamabasa ose akanaka. Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuvarombo ndimupanegombe ururami hwake hunogara nokusingaperi.”
2 VaKorinde 9:6-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino raŋgarirai cinhu ici: Unodɀara ɀishoma, ucaceka ʋo ɀishoma; unodɀara ɀizhinji, ucaceka ʋo ɀizhinji. Mumŋe nomumŋe ŋgaaite seɀaakafuŋga pamŋoyo; arege kuita nokucema, kana nokuroʋererwa; nokuti Mŋari unoɗa munhu unopa nomufaro. Mŋari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti ŋguʋa dzose muʋe nokuriŋgana kwose paɀose, kuti muwanze maɓasa ose akanaka; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iye wakaparadzira, iye wakapa ʋarombo; Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi.
2 VaKorinde 9:6-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)