2 VaKorinde 8:13-14
2 VaKorinde 8:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chishuvo chedu hachisi chokuti vamwe varerukirwe asi imi muchiremerwa, asi kuti pave nokuenzana. Panguva ino kuwana kwenyu kuchavawanisa zvavanoshayiwa, kuitirawo kuti kuwana kwavo kugokuwanisaiwo zvamunoshayiwa. Ipapo pachava nokuenzana
2 VaKorinde 8:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushayiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushayiwa kwenyuwo; kuti kuve nokuenzana
2 VaKorinde 8:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Handisi kuti vamwe varerukirwe imi muchiremerwa asi kuti pave nokuenzana, panguva ino zvamuine zvakawanda movabatsirawo pavasina chokubata kudai, kuti ivo kana vava nezvakawanda imi musina pokubata vagokubatsiraiwo kuti pave nokuenzana.
2 VaKorinde 8:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti handireʋi kuɗaro ndiciti ʋamŋe ʋarerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane; kuti paŋguʋa ino kuwanda kwenyu kuɓatsire kushaiwa kwaʋo, kuti kuwanda kwaʋo kuɓatsire kushaiwa kwenyu ʋo; kuti kuʋe nokuenzana
2 VaKorinde 8:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)