2 VaKorinde 7:9-11
2 VaKorinde 7:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo. Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu. Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwoumwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
2 VaKorinde 7:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nokuda kwedu. Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponwa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunouyisa rufu. Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakauyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechisuo, nokurwadza mwoyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
2 VaKorinde 7:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvazviri ndinofara, kwete, nokuti makarwadziwa, asi pamusana pokuti makarwadziwa zvakakuitai kuti mupinduke nokuti kurwadziwa kwenyu kwaiva nohumwari makuri zvokuti hapana chatakaita kuti murasikirwe nacho. Kurwadzirwa mwoyo zvaMwari kunoita kuti munhu apinduke zvinosvitsa kuruponeso uye hazvirwadzise mwoyo; asi kurwadzirwa zvenyika kunounza rufu. Tarisai muone kuti shungu dzokurwadzirwa zvaMwari dzakakuberekerai chii mamuri, kuti makaita shungu dzakaita sei kuzvisasamura mhaka, kuti zvakakugumburai sei uye kuti zvakakutyisai zvakadii. Ndoda kudisisa kwenyu neshungu dzenyu uyezve chirango chacho! Aiwa, makaratidza, muna zvose, kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
2 VaKorinde 7:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, handifari kuti makacemedzwa, asi nokuti makacemedzwa mukatendeʋuka; nokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, kuti murege kurashikirwa necinhu nokuɗa kweɗu. Nokuti kucema seɀinoɗa Mŋari kunoʋuyisa kutendeʋuka, kunoisa kukuponeswa kusiŋgaɀidyi mŋoyo; asi kucema kwenyika kunoʋuyisa rufu. Nokuti tarirai kuti cinhu ico cokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, cakaʋuyisa mukati menyu kushiŋgaira kukuru sei, nokuɀiɗaʋirira, nokutsamŋa, nokutya, necishuʋo, nokurwadza mŋoyo, nokutsiʋa. Paɀinhu ɀose makaɀiratidza kuti makacena pacinhu ici
2 VaKorinde 7:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)