2 VaKorinde 6:14-18
2 VaKorinde 6:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima? Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi? Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.” “ ‘Saka budai mubve pakati pavo uye muzvitsaure,’ ndizvo zvinotaura Ishe. ‘Musabata chinhu chine tsvina, ini ndigokugamuchirai.’ ” “ ‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.”
2 VaKorinde 6:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwechete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu anganzwana seiko naBheriari? Anotenda angava nomugove weiko noasingatendi? Temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti, “Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu. Saka budai pakati pavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai, Ndichava baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe ane simba rose.”
2 VaKorinde 6:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musasungwe pajoko navanhu vasingatendi nokuti ururami hunei nouipi? Kana kuti chiedza chine ukama hwei nerima? Kristu anganzwanane sei naBheriari? Kana kuti mutendi ane mugove wei naasingatendi. Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti, “Ndichagara mavari ndichifamba pakati pavo uye ndichava Mwari wavo ivowo vachava vanhu vangu.” Saka ibvai mukati mavo mupararane navo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Musawane chakan'ora chamunobata. Pakadaro, ini ndichakugamuchirai. Ini ndichava Baba kwamuri, imi muchiva vanakomana vangu navanasikana vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Samasimbaose.
2 VaKorinde 6:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musasuŋgwa ɀisina‐kufanira pajoko pamŋe cete naʋasiŋgatendi; nokuti kururama kuŋgaʋa noʋukama bgeiko nokusarurama? Ciedza ciŋgayanana seiko nerima? Kristu uŋganzwana seiko naBeriari? Unotenda uŋgaʋa nomugoʋe weiko nousiŋgatendi? Tembere yaMŋari iŋgatenderana seiko neɀifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMŋari mupenyu; Mŋari seɀaakareʋa, aciti: Ndicagara mukati maʋo, nokufamba mukati maʋo; ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu. Saka Ƃuɗai pakati paʋo, muɀiraʋure, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Musaɓata cinhu cinetȿina; Ini ndicakugamucirai, Ndicaʋa Ƃaɓa ʋenyu, Nemi mucaʋa ʋanakomana naʋanasikana ʋaŋgu, ndiɀo ɀinotaura Ishe unesimba rose.
2 VaKorinde 6:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)