2 VaKorinde 5:15-19
2 VaKorinde 5:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye iye akafira vose, kuitira kuti vose vasazviraramira asi vararamire iye akavafira akamutswazve kubva kuvakafa. Saka kubva zvino hatitongozivi munhu namaziviro enyika. Kunyange zvedu takaziva Kristu kare nenzira iyi, hatichamuziva saizvozvo. Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa.
2 VaKorinde 5:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
zvino iye akafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo akafa nokumutswa nokuda kwavo. Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo. Saka kana munhu ari muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva. Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
2 VaKorinde 5:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akafira vanhu vose kuti vanorarama varege kuzviraramira asi kuti vararamire iye akavafira akamutswa. Saizvozvo kubvira zvino hatichaona munhu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu; kunyange zvazvo takamboona Kristu sokuonekwa kwaanoitwa navanhu, hatichamuona saizvozvo. Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa.
2 VaKorinde 5:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ɀino iye wakafira ʋose, kuti aʋo ʋanorarama ʋarege kuzoɀiraramira iʋo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuɗa kwaʋo. Naiɀoɀo, kubvira ɀino hatitoŋgoziʋi munhu panyama; ʋuye kunyaŋge takaziʋa Kristu panyama, kubvira ɀino haticamuziʋi saiɀoɀo. Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa. Asi ɀinhu ɀose ɀakabva kunaMŋari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
2 VaKorinde 5:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)