2 VaKorinde 5:10-11
2 VaKorinde 5:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti tose tinofanira kumira pamberi pechigaro chokutonga chaKristu, kuti mumwe nomumwe apiwe zvakamufanira pazvinhu zvaakaita nomuviri wake, zvingava zvakanaka kana zvakaipa. Zvino, sezvo tichiziva kuti kutya Ishe chii, tinoedza kugombedzera vanhu. Zvatiri zviri pachena kuna Mwari, uye ndinovimbawo kuti zviri pachena kuhana dzenyu.
2 VaKorinde 5:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu; kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa. Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaIshe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kuna Mwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwawo muhana dzenyu.
2 VaKorinde 5:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti tose zvedu tinofanira kuuya pamberi pechigaro chokutonga chaKristu kuti munhu wose atambire zvakanaka kana zvakaipa maererano nezvaakaita ari mumuviri. Saizvozvo, sokuziva kwatinoita kuti kutya Mwari kunorevei, tinokurudzira vanhu; asi zvatiri zvinozivikanwa naMwari uye tinotarisira kuti zvinozivikanwawo nehana dzenyu.
2 VaKorinde 5:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pecigaro cokutoŋga caKristu; kuti mumŋe nomumŋe apiwe ɀaakaita nomuʋiri, seɀaakaita, kana ɀakanaka kana ɀakaipa. Naiɀoɀo ɀatinoziʋa kutya kwaShe, tinogombedzera ʋanhu; asi tinoratidzwa heɗu kunaMŋari; ʋuye ɀino ndinoti ɗai ticiratidzwa ʋo pahana dzenyu.
2 VaKorinde 5:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)