2 VaKorinde 5:1-4
2 VaKorinde 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama. Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu.
2 VaKorinde 5:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhenakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga. Nokuti tinogomerawo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga; kuti kana takafukidza hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka. Nokuti nesu, tiri mutabhenakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chimedzwe noupenyu.
2 VaKorinde 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isu tinoziva wani kuti kana muviri uno womusasa wapasi pano watigere wapazwa, tinowana imba inobva kuna Mwari isina kuvakwa namaoko avanhu inogara nokusingaperi kudenga. Zvino imomu tinotura befu tichisuwira kuti imba yedu yokudenga itifukidze kuti taifuka, tirege kuonekwa tisina kufuka. Nokuti patinenge tichiri mumusasa uyu tinotura befu takaremerwa, kwete kuti tipfekenurwe, asi kuti titopfekedzwa, kuti chinofa chinyatsosandurwa noupenyu.
2 VaKorinde 5:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tinoziʋa kuti kana imba yeɗu yenyika, tabernakeri yeɗu, iciputswa, tinecakaʋakwa cinobva kunaMŋari, imba isina‐kuʋakwa namaʋoko, isiŋgaperi, iri kuɗeŋga. Nokuti tinogomera ʋo mairi, ticishuʋa kuti tifukidzwe neimba yeɗu inobva kuɗeŋga; kuti kana takafukidzwa heɗu, hatiŋgawanikwi tisina‐catakafuka. Nokuti nesu, tiri mutabernakeri iyi tinogomera, ticiremerwa; tisiŋgaɗi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti cinofa cimedzwe noʋupenyu.
2 VaKorinde 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)