2 VaKorinde 4:16-18
2 VaKorinde 4:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.

2 VaKorinde 4:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe. Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi; tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.
2 VaKorinde 4:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezvo hatirasi mwoyo. Kunyange tavakuchembera, umunhu hwedu hokunze; hwomukati huri kutovandudzwa zuva nezuva, nokuti tunhamo tunopera utwu, twuri kutigadzirira mbiri isingaperi, inoremerera, isina chokuienzanisa nacho. Chikonzero chacho ndechokuti ziso redu harisi pazvinhu zvinoonekwa asi kuzvinhu zvisingaonekwi nokuti zvinhu zvinoonekwa zvinopfuura asi zvinhu zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
2 VaKorinde 4:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka hatineti, asi kunyaŋge munhu weɗu wokunze ucipera hawo, munhu womukati unoʋandudzwa zuʋa rimŋe nerimŋe. Nokuti kutambudzika kweɗu, kwakareruka, kuri’po ciŋguʋa ciɗuku, kunotiitira kubginya kukuru kwakaiȿo‐naka kusiŋgaperi; tisiŋgatariri ɀinoʋonekwa, asi ɀisiŋgaʋonekwi; nokuti ɀinoʋonekwa ɀinopfuʋura, asi ɀisiŋgaʋonekwi ndeɀokusiŋgaperi.
2 VaKorinde 4:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)