2 VaKorinde 4:10-12
2 VaKorinde 4:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa. Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri.
2 VaKorinde 4:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
2 VaKorinde 4:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu. Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu.
2 VaKorinde 4:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
tinoramba ticitakura ŋguʋa dzose mumuʋiri weɗu kufa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe mumuʋiri weɗu. Nokuti isu ʋapenyu tinogara ticiŋgoiswa pakufa nokuɗa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe munyama yeɗu inofa. Saiɀoɀo kufa kunoɓata matiri, asi ʋupenyu mamuri.
2 VaKorinde 4:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)