2 VaKorinde 3:4-6
2 VaKorinde 3:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.
2 VaKorinde 3:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kutenda kwakadai tinako naKristu, kuna Mwari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari; iye akatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinouraya, asi Mweya anopa upenyu.
2 VaKorinde 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu.
2 VaKorinde 3:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kutenda kwakaɗai tinako naKristu, kunaMŋari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari; iye wakatikwanisa kuti tiʋe ʋashumiri ʋesuŋgano itȿa, isati iri yeɀakanyorwa asi yoMŋeya; nokuti ɀakanyorwa ɀinoʋuraya, asi Mŋeya unopa ʋupenyu.
2 VaKorinde 3:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)