2 VaKorinde 12:19 - Compare All Versions
2 VaKorinde 12:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe.
2 VaKorinde 12:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe.
2 VaKorinde 12:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ŋguʋa yose makaŋga muciti tinoɀiɗaʋirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMŋari munaKristu; asi tinotaura iɀi ɀose, ʋaɗikanwa, kuti musimbiswe.
2 VaKorinde 12:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu.
2 VaKorinde 12:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu.