2 VaKorinde 11:3 - Compare All Versions
2 VaKorinde 11:3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu.
2 VaKorinde 11:3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.
2 VaKorinde 11:3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu.
2 VaKorinde 11:3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyeŋgera Eva namano ayo, ɀimŋe saiɀoɀo ndaŋgariro dzenyu dziŋgaȿiɓiswa, dzitsauke pakururama nokucena kwomŋoyo kuri kunaKristu.
2 VaKorinde 11:3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndavakutotya kuti sokunyengedza kwakaita nyoka Eva nokusvinuka kwayo pfungwa dzenyu dzingadaro dzatsautswa pautsvene hwenyu nokutendeseka kwenyu kuna Kristu.