2 VaKorinde 11:23-27
2 VaKorinde 11:23-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji. Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa, ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema. Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka.
2 VaKorinde 11:23-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu anopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakurohwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji. Ndakarohwa navaJudha kashanu shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakubata basa napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka.
2 VaKorinde 11:23-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ivo vashandi vaKristu here? Ini ndinotova mushandi wake ari nani. Zvino ndava kutaura zvangu somunhu anopenga. Ndakashanda zvakaomarara kupinda ivo. Ndakaiswa mujeri kakatowanda kutovapfuura. Ndakarohwa kakawanda, ndikatarisana norufu kakawanda. Ndakarohwa ndiri mumaoko avaJudha shamhu dzinosvika makumi matatu nepfumbamwe kanosvika kashanu. Ndakarohwa nemibhadha kanosvika katatu. Ndakatakwa namatombo kamwechete. Ndakakudubuka nechikepe katatu. Ndakaita siku nesikati ndakayangarara mugungwa. Panzendo dzangu dzakawanda ndakapinda njodzi dzenzizi nenjodzi dzamakororo, uye njodzi dzaibva kuvanhu vokwangu uyewo nenjodzi dzaibva kunevechirudzi kwozoti njodzi muguta, kwoti njodzi musango, kwouya njodzi mugungwa nenjodzi dzaibva kuhama dzenhema mubasa rakaoma nomuzvinhu zvinotambudza nomukushaiswa hope kakawanda; munzara nenyota uye kazhinji ndisina chokudya; muchando nomukushaya chokufuka
2 VaKorinde 11:23-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋo ʋashumiri ʋaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopeŋga), ɀikuru ini; pamaɓasa ndinoʋapfuʋura, pakusuŋgwa patoroŋgo ndinoʋapfuʋura, pakurobga ɀikuru‐kuru, parufu kazhinji. Ndakarobga naʋaJuda kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamŋe. Katatu ndakarobga netȿimbo, kamŋe ndakatakwa namabge, katatu ndakaputsikirwa necikepe, ʋusiku bgumŋe namasikati ndakaŋga ndiri muguŋgwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzoʋorudzi rwaŋgu, panjodzi dzaʋahedeni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi muguŋgwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakuɓata napakutambura, pakuʋata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuɀinyima ɀokudya kazhinji, pacando napakushaiwa ɀokufuka.
2 VaKorinde 11:23-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)