2 VaKorinde 1:8-10
2 VaKorinde 1:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa. Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa. Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura
2 VaKorinde 1:8-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami; asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa; iye akatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye achatisunungurazve; iye watinotenda kuti acharamba achitisunungura
2 VaKorinde 1:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa. Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve.
2 VaKorinde 1:8-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami; asi pamŋoyo peɗu isu takaŋga tatoɀitoŋgera rufu, kuti tirege kuʋimba nesimba reɗu, asi naMŋari unomutaa ʋakafa; iye wakatisunuŋgura parufu rukuru rwakaɗai, ʋuye ucatisunuŋgura ɀe; iye watinotenda kuti ucaramba acitisunuŋgura
2 VaKorinde 1:8-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)