2 VaKorinde 1:3-8
2 VaKorinde 1:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu. Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo. Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu. Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatakagona kutsungirira, zvokuti takati takanga tofa.
2 VaKorinde 1:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu. Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo. Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosangana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa. Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami
2 VaKorinde 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo. Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika. Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu. Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku.
2 VaKorinde 1:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, iʋo Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋeŋgoni, Mŋari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kweɗu kwose, kuti isu tiʋe nesimba rokunyaradza ʋari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMŋari. Nokuti maɗambudziko aKristu seɀaakaʋa mazhinji kwatiri, saiɀoɀo ʋo kunyaradzwa kweɗu kwakaʋa kuzhinji naKristu. Ɀino kana ticitambudzika heɗu isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana ticinyaradzwa isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsuŋgirira pamaɗambudziko iwayo atinotambudzika ʋo nawo. Tariro yeɗu pamsoro penyu yakasimba, nokuti tinoziʋa kuti seɀamunosoŋgana nesu pamaɗambudziko, saiɀoɀo ʋo pakunyaradzwa. Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami
2 VaKorinde 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)