2 VaKorinde 1:3-5
2 VaKorinde 1:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari. Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.
2 VaKorinde 1:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari. Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu.
2 VaKorinde 1:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo.
2 VaKorinde 1:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, iʋo Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋeŋgoni, Mŋari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kweɗu kwose, kuti isu tiʋe nesimba rokunyaradza ʋari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMŋari. Nokuti maɗambudziko aKristu seɀaakaʋa mazhinji kwatiri, saiɀoɀo ʋo kunyaradzwa kweɗu kwakaʋa kuzhinji naKristu.
2 VaKorinde 1:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)