2 VaKorinde 1:16-22
2 VaKorinde 1:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.
2 VaKorinde 1:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ndipfuure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuuya nokwenyuzve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea. Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokusanduka mwoyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi, “Hongu, hongu,” pamwe, “Kwete, kwete?” NaMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimoti akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete,” asi akanga ari, “Hongu maari.” Nokuti zvipikirwa zvaMwari, kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndi “Hongu,” naizvozvo naiyewo ndi “Ameni,” kuti Mwari akudzwe nesu. Zvino, uyo anotisimbisa muna Kristu pamwechete nemi, nokutizodza, ndiMwari; uyo akatiisirawo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumwoyo medu.
2 VaKorinde 1:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea. Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here? NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete, nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu. Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe. Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu. Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso.
2 VaKorinde 1:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ndipfuʋure nokwenyu ndicienda Makedonia, nokuʋuya nokwenyu ɀe, ndicibva Makedonia, ndiperekedzwe nemi ndicienda Judea. Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete? NaMŋari wakatendeka, shoko reɗu kwamuri harizi hoŋo nakwete. Nokuti Mŋanakomana waMŋari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu — neni naSirvano naTimotio — wakaŋga asiri hoŋo nakwete, asi wakaŋga ari hoŋo maari. Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu. Ɀino, uyo unotisimbisa munaKristu pamŋe cete nemi, nokutizodza, ndiMŋari; uyo wakatiisira ʋo cisimbiso, akatipa ruɓatso rwoMŋeya mumŋoyo meɗu.
2 VaKorinde 1:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)