2 Makoronike 7:11-16 - Compare All Versions
2 Makoronike 7:11-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake, Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati: “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro. “Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu, kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo. Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino. Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo.
2 Makoronike 7:11-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo Soromoni akapedza imba yaJehovha, neimba yamambo; zvose zvakanga zviri mumwoyo waSoromoni kuita muimba yaJehovha, nomumba make, wakazviita kwazvo. Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro. Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu; kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakanganwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo. Zvino meso angu achasvinura, nzeve dzangu dzichateerera ndinzwe munyengetero unoitwa panzvimbo iyi. “Nokuti zvino ndatsaura imba ino nokuiita tsvene, zita rangu rivepo nokusingaperi; meso angu nomwoyo wangu zvichavapo nokusingaperi.
2 Makoronike 7:11-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Saizvozvo Soromoni akapedza kuvaka imba yaTenzi nomuzinda wamambo nezvose zvaaiva nazvo mumwoyo zvokuita mumba yaTenzi nomumuzinda make akanyatsozviita. Tenzi akazviratidza usiku kuna Soromoni akamuti, “Munamato wako ndaunzwa, ndasarudza nzvimbo ino kuti ive yangu kuti ive imba yokupirira zvibayiro. Ndikange ndapfiga matenga kuti arege kunayisa mvura kana kuti ndikatuma mhashu kuti dzirozve nyika ino kunyange kutuma denda mukati mavanhu vangu; kana vanhu vanodaidzwa nezita rangu vakazvirereka, vakanamata vava kutsvaka kuti ndivacheukewo, vakasiya nzira dzavo dzakaipa; pakadaro ini ndichavanzwa kudenga uku, ndigovaregerera chitadzo chavo ndigoporesawo nyika yavo. Zvino meso angu achange akatarisa, nzeve dzangu dzakanyatsoteerera munamato unoitwa panzvimbo ino. Zvino ndasarudza imba ino ndikaiita kuti iere, kuitira kuti zita rangu rive pairi nokusingapere. Ziso rangu nomwoyo wangu zvichange zviri pairi narini wose.
2 Makoronike 7:11-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Saiɀoɀo Soromoni akapedza imba yaJehova, neimba yamambo; ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo waSoromoni kuita muimba yaJehova, nomumba make, wakaɀiita kwaɀo. Ipapo Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni ʋusiku, akati kwaari: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaɀitsaurira nɀimbo iyi, iʋe imba yokuɓayira ɀiɓayiro. Kana ndiciŋge ndadziʋira kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya, kana ɀimŋe ndiciŋge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana ɀimŋe ndiciŋge ndatuma ɗenda pakati paʋanhu ʋaŋgu; kana ʋanhu ʋaŋgu, ʋakatumidzwa nezita raŋgu, ʋakaɀininipisa, ʋakanyeŋgetera nokutȿaka ciso caŋgu, nokurega nzira dzaʋo dzakaipa; ipapo ndicanzwa kuɗeŋga ndicaʋakaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, nokupodza nyika yaʋo. Ɀino meso aŋgu acaȿinura, nzeʋe dzaŋgu dzicaterera ndinzwe munyeŋgetero unoitwa panɀimbo iyi. Nokuti ɀino ndatsaura imba ino nokuiita tȿene, zita raŋgu riʋe’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po nokusiŋgaperi.
2 Makoronike 7:11-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)