2 Makoronike 36:22-23
2 Makoronike 36:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, kuitira kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe, Jehovha akasunda mwoyo waSirasi mambo wePezhia kuti aparadzire kuumambo hwake hwose uye kuti anyore achizivisa kuti: “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia: “ ‘Jehovha Mwari wedenga, andipa umambo hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha. Ani naani wavanhu vake vari pakati penyu, Jehovha Mwari wake ave naye, uye ngaaende ikoko.’ ”
2 Makoronike 36:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo wePerisia, kuti shoko raJehovha rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, achiti, “Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, ‘Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha. “ ‘Ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake ko.’ ”
2 Makoronike 36:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechiposhi rokutonga kwaKoreshi mambo wePezhiya, zvichizadzikisa shoko raTenzi raakataura nomuromo waJeremiya, Tenzi akapinza imwe pfungwa mumwoyo waKoreshi mambo wePezhiya zvokuti akatemera vanhu chirevo nyika dzose dzoumambo hwake; akaitawo zvokuchinyora chokuti, “Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu maJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wavanhu vake vose zvavo, Tenzi, Mwari wake ngaave naye akwireko.”
2 Makoronike 36:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino negore rokutaŋga raKoreshi mambo wePersia, kuti shoko raJehova rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia riitike, Jehova wakamutsa mŋeya waKoreshi mambo wePersia, akaparidza paʋushe bgake bgose, akaɀinyora ʋo, aciti: Ɀanzi naKoreshi mambo wePersia: Jehova Mŋari wokuɗeŋga wakandipa ʋushe bgose bgenyika, akandiraira kuti ndimuʋakire imba paJerusarema riri paJuda. Aninani uri’po pakati penyu waʋanhu ʋake, Jehova Mŋari wake ŋgaaʋe naye, ŋgaakwire hake’ko.
2 Makoronike 36:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)