2 Makoronike 25:9
2 Makoronike 25:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Amazia akabvunza munhu waMwari akati, “Asi, matarenda zana andakaripa kuvaIsraeri anoitwa sei?” Munhu waMwari akapindura akati, “Jehovha anogona kukupa zvakawanda kupfuura izvi.”
2 Makoronike 25:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Amazia akati kumunhu waMwari, “Zvino tichaita seiko pamusoro pamatarenta ane zana andakapa pfumo ravaIsiraeri?” Munhu waMwari akapindura, akati, “Jehovha anogona kukupai zvinopfuura izvozvo kwazvo.”
2 Makoronike 25:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Amaziya ndokuti kumunhu waMwari, “Zvino toita sei namatani mana esirivha andakapa kuhondo yokwaIsiraeri.” Munhu waMwari akapindura achiti, “Tenzi anogona kukupai yakawanda kutopinda iyoyo.”
2 Makoronike 25:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Amazia akati kumunhu waMŋari: Ɀino ticaita seiko pamsoro pamatarenta anezana andakapa pfumo raʋaIsraeri? Munhu waMŋari akapindura, akati: Jehova unogona kukupai ɀinopfuʋura iɀoɀo kwaɀo.