Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Makoronike 24:1-27

2 Makoronike 24:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhia uye vaibva kuBheerishebha. Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJehoyadha muprista. Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana. Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha. Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo. Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?” Zvino vanakomana vaAtaria mukadzi uya akaipa vakanga vamanikidzira kupinda mutemberi yaMwari uye vakanga vashandisa kunyange midziyo yayo inoera mukunamata Bhaari. Mambo akati arayira, bhokisi rakagadzirwa rikaiswa pasuo retemberi yaJehovha. Shoko rakatumwa muJudha neJerusarema kuti vaifanira kuuyisa kuna Jehovha mutero wakanga warayirwa naMozisi muranda waMwari kuti vaIsraeri vape murenje. Machinda ose navanhu vose vakauyisa zvipo zvavo nomufaro, vakazvikanda mubhokisi kusvikira razara. Pose paitakurwa bhokisi richipinzwa mukati navaRevhi kumachinda amambo, uye pavaiona kuti maiva nemari yakawanda, munyori wamambo nomubati womuprista mukuru vaiuya vodurura mari kubva mubhokisi riya voridzorera panzvimbo yaro. Vakaita izvi nguva nenguva uye vakaunganidza mari yakawanda. Mambo naJehoyadha akaipa kuvanhu vaizoita basa raidiwa patemberi yaJehovha. Vakaripira vavezi vamatombo navavezi vamatanda kuti vamise pakare temberi yaJehovha, uyewo vapfuri vesimbi nendarira kuti vagadziridze temberi. Varume vaibata basa iri vaiva nounyanzvi uye kugadziridza kwose kwakaenderera mberi mumaoko avo. Vakavakazve temberi yaMwari sezvayakanga yakaita pakutanga, vakaisimbisa. Pavakapedza vakauyisa imwe mari yose yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye yakagadziriswa midziyo yomutemberi yaJehovha: midziyo yokushandisa neyezvipiriso zvinopiswa namadhishi nezvimwe zvegoridhe nesirivha. Jehoyadha paakanga achiri mupenyu, zvipiriso zvinopiswa zvaitopiwa nguva nenguva mutemberi yaJehovha. Zvino Jehoyadha akanga akura ava namakore mazhinji, uye akafa ava namakore zana namakumi matatu. Akavigwa namadzimambo muGuta raDhavhidhi, nokuda kwezvakanaka zvaakanga aitira Mwari muIsraeri nomutemberi yake. Mushure mokufa kwaJehoyadha, vakuru veJudha vakauya kuzopa rukudzo kuna mambo, uye akateerera kwavari. Vakasiya temberi yaJehovha, Mwari wamadzibaba avo, vakanamata matanda aAshera nezvifananidzo. Nokuda kwokutadza kwavo, kutsamwa kwaMwari kwakauya pamusoro peJudha neJerusarema. Kunyange zvazvo Jehovha akatumira vaprofita kuvanhu kuti vavadzosere kwaari, uye kunyange vaipupura zvakaipa nezvavo, havana kuteerera. Ipapo mweya waJehovha wakauya pana Zekaria, mwanakomana waJehoyadha muprista. Akamira pamberi pavanhu akati, “Zvanzi naMwari, ‘Sei musingateereri mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira. Nokuti makasiya Jehovha, iye akusiyaiwo.’ ” Asi ivo vakamupandukira uye nokurayira kwaMambo vakamutaka namabwe kusvikira afa, muchivanze chetemberi yaJehovha. Mambo Joashi haana kurangarira tsitsi dzaJehoyadha baba vaZekaria dzavakanga vamuratidza, asi akauraya mwanakomana wake, uye iye paakanga ava kufa akati, “Jehovha ngaazvione izvi uye aite kuti muzvidavirire.” Pakupera kwegore hondo yeAramu yakauya kuzorwisa Joashi; yakapamba Judha neJerusarema uye ikauraya vatungamiri vose vavanhu. Vakatumira zvavakanga vapamba zvose kuna mambo wavo kuDhamasiko. Kunyange zvazvo hondo yavaAramu yakanga ine varume vashoma shoma, Jehovha akaisa hondo huru kwazvo mumaoko avo. Nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, kutongwa kwakaiswa pamusoro paJoashi. VaAramu pavakazodzokera shure vakasiya Joashi akuvara zvakanyanya. Machinda ake akarangana akamupa mhosva yokuuraya mwanakomana waJehoyadha muprista, vakamuuraya akarara panhoo yake. Saka akafa akavigwa muGuta raDhavhidhi, asi kwete mumakuva amadzimambo. Avo vakarangana pamusoro pake vaiti Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mudzimai wechiAmoni, naJehozabhadhi, mwanakomana waShimiriti muMoabhu. Nhoroondo dzavanakomana vake, nezvakaprofitwa pamusoro pake nezvakanyorwa pamusoro pokuvandudzwa kwetemberi yaMwari zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Makoronike 24:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Joashi akanga asvika makore manomwe pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha. Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ose omupristi Jehoyadha. Jehoyadha akamutsvakira vakadzi vaviri; akabereka vanakomana navanasikana. Zvino shure kwaizvozvi Joashi akarangarira kuvandudza imba yaJehovha. Akakokera vapristi navaRevhi, akati kwavari, “Budirai kumaguta aJudha, muunganidze kuvaIsiraeri vose mari yokugadzirisa nayo imba yaMwari wenyu gore rimwe nerimwe; uye mubva machimbidzikira chinhu ichi!” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika. Zvino mambo akadana mukuru Jehoyadha, akati kwaari, “Makaregereiko kuraira vaRevhi kundounganidza mutero waMosesi muranda waJehovha paJudha napaJerusaremu napaungano yaIsiraeri, zviiswe patende rechipupuriro?” Nokuti vanakomana vaAtaria, mukadzi uya wakaipa, vakanga vaputsa imba yaMwari; nezvinhu zvose zveimba yaJehovha, zvakanga zvakatsaurirwa Mwari, vakazvipa vaBhaari. Naizvozvo mambo akaraira, vakaveza bhokisi, vakariisa kunze kwesuo reimba yaJehovha. Zvino vakatuma shoko pakati paJudha neJerusaremu, kuti vanhu vavigire Jehovha mutero wakarairwa vaIsiraeri murenje naMosesi muranda waMwari. Machinda ose navanhu vose vakafara, vakauya nazvo, vakazvikanda mubhokisi, kusvikira vapedza. Zvino nguva dzose kana bhokisi richiiswa paimba yamambo namaoko avaRevhi, kana vakaona kuti mari zhinji yavamo, munyori wamambo nomutariri womupristi mukuru vakauya vakadurura zviri mubhokisi, vakaritora ndokuridzoserazve panzvimbo yaro. Vakaita kudaro zuva rimwe nerimwe, vakaunganidza mari zhinji. Zvino mambo naJehoyadha vakaipa vaibata mabasa paimba yaJehovha; vakaripira vavezi vamabwe namatanda, kuti vavandudze imba yaJehovha, navapfuri vamatare nendarira, kuti vagadzire imba yaJehovha. Naizvozvo vabati vakabata, basa rikapedzwa navo; vakagadzira imba yaMwari sezvayakanga yakaita kare, vakaisimbisa. Zvino vakati vapedza, vakauya nemari yakasara kuna mambo naJehoyadha, vakaita nayo midziyo yeimba yaJehovha, iri midziyo yokubata nayo, nokubayira nayo, nezvirongo nemidziyo yendarama nesirivha. Vaibayira zvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha mazuva ose aJehoyadha. Asi Jehoyadha akazokwegura, akava namazuva mazhinji ndokufa; akanga ana makore ane zana namakumi matatu pakufa kwake. Vakamuviga paguta raDhavhidhi pakati pamadzimambo; nokuti akanga aitira Mwari neimba yake zvakanaka pakati paIsiraeri. Zvino Jehoyadha akati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo. Ipapo mambo akavateerera. Vakasiya imba yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, vakashumira matanda okunamata nawo nezvifananidzo; Mwari akatsamwira Judha neJerusaremu pamusoro pemhaka iyi. Kunyange zvakadaro akavatumira vaporofita kuzovadzoserazve kuna Jehovha; ivo vakavapupurira, asi vakaramba kunzwa. Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekariya, mwanakomana womupristi Jehoyadha, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, “Zvanzi naMwari, ‘Munodarikireiko mirairo yaJehovha, muchiramba kufara? Zvamasiya Jehovha, naiye wakausiyawo.’ ” Ipapo vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJehovha, varairwa namambo. Nokudaro mambo Joashi haana kurangarira zvakanaka zvaakanga aitirwa naJehoyadha baba vake, asi akauraya mwanakomana wake. Zvino wakati achifa, akati, “Jehovha ngaatarire chinhu ichi, achitsive.” Zvino gore rakati ropera, hondo yavaSiria ikasvika kuzorwa naye; vakasvika paJudha napaJerusaremu vakaparadza machinda ose avanhu pakati pavanhu, vakatuma zvose zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko. Nokuti hondo yavaSiria yakauya neboka duku ravanhu; Jehovha akaisa pfumo guru-guru mumaoko avo, nokuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo. Nokudaro vakaitira Joashi zvakanga zvatongwa naMwari. Zvino vakati vabva kwaari (nokuti vakamusiya achirwara kwazvo), varanda vake vakarangana pamusoro pake nemhaka yeropa ravanakomana vomupristi Jehoyadha, vakamuurayira panhoo yake, akafa; vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga kumarinda amadzimambo. Vakarangana pamusoro pake ndivava: Zabhadhi mwanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, neJehozabhadhi mwanakomana waShimiriti mukadzi muMoabhu. Zvino kana zviri zvavanakomana vake, namashoko makuru avaporofita akarehwa pamusoro pake, nokumutswa kweimba yaMwari, tarirai zvakanyorwa padudziro yebhuku yamadzimambo. Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

2 Makoronike 24:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Joashi akanga ava namakore manomwe paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi mana emakore ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha. Joashi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwomupristi Jehoyadha. Jehoyadha akamuroorera vakadzi vaviri ndokubva ava navana vakomana navasikana. Shure kwaizvozvi Joashi akaronga kugadzira imba yaTenzi. Akakokorodza vapristi nevaRevhi akavati, “Endai kumaguta omunyika maJudha muunganidze mari yokugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore, mukurumidze kuita izvozvo.” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika. Mambo akadaidza mukuru wacho Jehoyadha akamuti, “Ko makazoregereiko kuti vaRevhi vaunze maJudha umu nomuJerusaremu mutero womutendhe rechitenderano wakatemwa naMosesi muranda waTenzi negungano reIsiraeri?” Zvaiva zvaitika ndezvokuti vanakomana vaAtariya mukadzi wokuipa mwoyo uya vakanga vapaza vakapinda mumba yaTenzi uyewo vakanga vashandisira vanaBhaari zvinhu zvose zvaiva zvateketererwa kuna Mwari zvepamba paTenzi. Ipapo mambo akapa chirevo vakagadzira zibhokisi guru rikaiswa nechokunze pasuo guru remba yaTenzi. Kwakaziviswa maJudha mose nomuJerusaremu kuti kuna Tenzi kuunzwe mutero wakatemerwa vaIsiraeri vachiri murenje naMosesi muranda waMwari. Machinda ose navanhu vose vakafara kwazvo vakaunza mutero wavo vachikanda muzibhokisi iri kusvikira vazopedza. Zibhokisi guru iri parakaunzwa navaRevhi kumachinda amambo ivo vaiti vakaona kuti mune mari yawanda; samunyori mukuru wokwamambo nomuchinda womupristi mukuru vaiuya voibvisa muzibhokisi racho voritakura voridzosera panzvimbo paro. Ndozvavaiita zuva nezuva vakaunganidza mari yakawanda. Mambo naJehoyadha vaizoipa kune vaiva vokuona nezvebasa remba yaTenzi; ivavowo vaizobhadhara vokuvaka namatombo navavezi kugadzira imba yaTenzi uyewo nemhizha dzezvinhu zvesimbi nezvendarira kuti imba yaTenzi igadzirwe. Nokudaro vanhu vaiva vokuita basa irori vakashanda. Mumaoko avo, basa iri rakaramboitwa vakagadzira imba yaMwari kudzosera voiita zvayakanga yakaita vachiisimbisa. Pavakapedza, imwe mari yose yakanga yasara vakaiendesa kuna mambo navaJehoyadha ikagadziriswa midziyo yomumba yaTenzi yokushandisamo neyepamipiro yokupisa uye nemadhishi orusenzi nemidziyo yendarama neyesirivha. Vakazogara zvino vachipira mipiro yokupisa mumba yaTenzi mazuva ose oupenyu hwavaJehoyadha. Asi kwakati zvino vaJehoyadha akwegura aita ndaramo chaiyo, akafa. Akafa ava nezana remakore rine makore makumi matatu. Vakamuviga muguta raDhavhidhi maivigwawo madzimambo pamusana pokuti akanga aita zvakanaka muIsiraeri kuna Mwari nokutemberi yake. Mushure mokufa kwaJehoyadha, machinda okwaJudha akaenda akandogwadamira mambo, mambo akabvumirana nezvavakataura. Vakafuratira imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba avo vakandonamata zvifananidzo zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata. Mhaka iyoyi yakapfukira vokwaJudha nevomuJerusaremu. Mwari akatuma vaporofita mukati mavo kuti vavadzorere kuna Tenzi, ivava ava vakavayambira asi havana kumboteerera. Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana wavaJehoyadha mupristi akamira pakadaro apo akatarisa pavanhu akati kwavari, “Zvanzi naTenzi munodarikirei mitemo yaTenzi zviri kukusakisai kudai kuti mutadze kubudirira? Pamusana pokuti mafuratira Tenzi iyewo akufuratiraiwo.” Asi ivo vakamuitira bangano. Mambo akamuurayisa navanhu vakamutema namatombo muchivanze chemba yaTenzi. Mambo Joashi haana kumborangarira mwoyochena waakaitirwa nababa vaZakaria vaJehoyadha asi kuti akatouraya mwanakomana wake iyeyu. Paakanga ava kufa akati, “Tenzi ngaakuonei awane zvaangaite nemi.” Kuzoti gore ropera hondo yavaSiria yakauya kuzorwisa Joashi. Yakauya kwaJudha nokuJerusaremu ikaparadza mukati mevanhu machinda ose avanhu ikatumira zvinhu zvayo zvose zvayakapamba kuna mambo weDhamasikusi. Kunyange zvazvo hondo yavaSiria iyi yakanga yauya navarume vokurwa vashomanini, Tenzi akaisa mumaoko avo hondo huru kwazvo nokuti vakanga vafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Ndozvakaita vaSiria kuranga Joashi. Pavakabva paari vakamusiya akuvara kwazvo. Makurukota ake akarangana kumupandukira pamusana peropa raakadeura ravanakomana vokwaJehoyadha mupristi vakabva vamuuraya pamubhedha wake akafa. Vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo. Vananyakumupandukira ava ndivanaZabhadhi mwanakomana wavaShimea mumwe mukadzi wechiAmoni naJehozabhadhi mwanakomanawo womumwe mukadziwo wechiMoabhu ainzi Shimuriti. Nyaya dzezvevana vake vakomana nokutsiurwa kwose kwaaiitwa naMwari nokugadzira kwaakaita imba yaMwari zvakanyorwa Mubhuku Rokutsanangura zviri muBhuku reMadzimambo. Mwanakomana wake, Amaziya, ndiye akazotonga panzvimbo pake.

2 Makoronike 24:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Joashi wakaŋga aȿika makore manomŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna; zita ramai ʋake rakaŋga riri Zibia weBeeri‐sheba. Joashi akaita ɀakanaka pamberi paJehova mazuʋa ose omuprista Jehoyada. Jehoyada akamutȿakira ʋakadzi ʋaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana. Ɀino shure kwaiɀoɀi Joashi akaraŋgarira kuʋandudza imba yaJehova. Akakokera ʋaprista naʋaRevi, akati kwaʋari: Ƃuɗirai kumaguta aJuda, muʋuŋganidze kuʋaIsraeri ʋose mari yokugadzirisa nayo imba yaMŋari wenyu gore rimŋe nerimŋe; ʋuye mumba macimbidzikira cinhu ici! Asi ʋaRevi haʋana‐kucimbidzika. Ɀino mambo akaɗana mukuru Jehoyada, akati kwaari: Makaregereiko kuraira ʋaRevi kundoʋuŋganidza mutero waMosesi muranda waJehova paJuda napaJerusarema napaʋuŋgano yaIsraeri, ɀiiswe patente recipupuriro? Nokuti ʋanakomana ʋaAtaria, mukadzi uya wakaipa, ʋakaŋga ʋaputsa imba yaMŋari; neɀinhu ɀose ɀeimba yaJehova, ɀakaŋga ɀakatsaurirwa Mŋari, ʋakaɀipa ʋaBaari. Naiɀoɀo mambo akaraira, ʋakaʋeza bokisi, ʋakariisa kunze kwesuʋo reimba yaJehova. Ɀino ʋakatuma shoko pakati paJuda neJerusarema, kuti ʋanhu ʋaʋigire Jehova mutero wakarairwa ʋaIsraeri murenje naMosesi muranda waMŋari. Macinda ose naʋanhu ʋose ʋakafara, ʋakaʋuya naɀo, ʋakaɀikanda mubokisi, kuȿikira ʋapedza. Ɀino ŋguʋa dzose kana bokisi riciiswa paimba yamambo namaʋoko aʋaRevi, kana ʋakaʋona kuti mari zhinji yaʋa’mo, munyori wamambo nomutariri womuprista mukuru ʋakaʋuya ʋakaɗurura ɀiri mubokisi, ʋakaritora ndokuridzosera ɀe panɀimbo yaro. Ʋakaita kuɗaro zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋakaʋuŋganidza mari zhinji. Ɀino mambo naJehoyada ʋakaipa ʋaiɓata maɓasa paimba yaJehova; ʋakaripira ʋaʋezi ʋamabge namatanda, kuti ʋaʋandudze imba yaJehova, naʋapfuri ʋamatare nendarira, kuti ʋagadzire imba yaJehova. Naiɀoɀo ʋaɓati ʋakaɓata, ɓasa rikapedzwa naʋo; ʋakagadzira imba yaMŋari seɀayakaŋga yakaita kare, ʋakaisimbisa. Ɀino ʋakati ʋapedza, ʋakaʋuya nemari yakasara kunamambo naJehoyada, ʋakaita nayo midziyo yeimba yaJehova, iri midziyo yokuɓata nayo, nokuɓayira nayo, neɀiroŋgo, nemidziyo yendarama nesirveri. Ʋaiɓayira ɀipiriso ɀinopiswa mumba maJehova mazuʋa ose aJehoyada. Asi Jehoyada wakazokwegura, akaʋa namazuʋa mazhinji ndokufa; wakaŋga anamakore anezana namakumi matatu pakufa kwake. Ʋakamuʋiga paguta raDavidi pakati pamadzimambo; nokuti wakaŋga aitira Mŋari neimba yake ɀakanaka pakati paIsraeri. Ɀino Jehoyada wakati afa, macinda aJuda akaȿika, akanamata mambo. Ipapo mambo akaʋaterera. Ʋakasiya imba yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, ʋakashumira matanda okunamata nawo neɀifananidzo; Mŋari akatsamŋira Juda neJerusarema pamsoro pemhaka iyi. Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaʋatumira ʋaprofita kuzoʋadzosera ɀe kunaJehova; iʋo ʋakaʋapupurira, asi ʋakaramba kunzwa. Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paZekaria, mŋanakomana womuprista Jehoyada, akamira pakakwirira pamberi paʋanhu, akati kwaʋari: Ɀanzi naMŋari: Munoɗarikireiko mirairo yaJehova, muciramba kufara? Ɀamasiya Jehova, naiye wakusiyai ʋo. Ipapo ʋakaraŋgana, ʋakamutaka namabge paruʋazhe rweimba yaJehova, ʋarairwa namambo. Nokuɗaro mambo Joashi haana‐kuraŋgarira ɀakanaka ɀaakaŋga aitirwa naJehoyada ɓaɓa ʋake, asi wakaʋuraya mŋanakomana wake. Ɀino wakati acifa, akati: Jehova ŋgaatarire cinhu ici, acitsiʋe. Ɀino gore rakati ropera, hondo yaʋaSiria ikaȿika kuzorwa naye; ʋakaȿika paJuda napaJerusarema ʋakaparadza macinda ose aʋanhu pakati paʋanhu, ʋakatuma ɀose ɀaʋakapamba kunamambo weDamasko. Nokuti hondo yaʋaSiria yakaʋuya neɓoka ɗuku raʋanhu; Jehova akaisa pfumo guru‐guru mumaʋoko aʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasiya Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. Nokuɗaro ʋakaitira Joashi ɀakaŋga ɀatoŋgwa naMŋari. Ɀino ʋakati ʋabva kwaari (nokuti ʋakamusiya acirwara kwaɀo), ʋaranda ʋake ʋakaraŋgana pamsoro pake nemhaka yeropa raʋanakomana ʋomuprista Jehoyada, ʋakamuʋurayira panhoʋo yake, akafa; ʋakamuʋiga muguta raDavidi, asi haʋana‐kumuʋiga kumarinda amadzimambo. Ʋakaraŋgana pamsoro pake ndiʋaʋa: Zabadi mŋanakomana waShimeati, mukadzi muAmoni, neJehozabadi mŋanakomana waShimriti mukadzi muMoabi. Ɀino kana ɀiri ɀaʋanakomana ʋake, namashoko makuru aʋaprofita akarebga pamsoro pake, nokumutswa kweimba yaMŋari, tarirai ɀakanyorwa paɗudziro yebuku yamadzimambo. Amazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

2 Makoronike 24:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)