2 Makoronike 20:9
2 Makoronike 20:9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
‘Kana dambudziko rikatiwira, ringava pfumo rokutonga kana denda, kana nzara, tichamira muuvepo hwenyu pamberi petemberi ine Zita renyu, uye tichachema kwamuri mukutambudzika kwedu uye imi muchatinzwa mugotinunura.’
2 Makoronike 20:9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
‘Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira.’
2 Makoronike 20:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
kana dai kuri kuti tawirwa nenyatwa, ingave hondo iri shamhu yokuranga, kana denda, kana nzara, kana tikamira pamberi pemba ino, mberi kwenyu, pamusana pokuti zita renyu riri pamba iyoyi tikachema kwamuri tiri munhamo dzedu, imi muchateerera motiponesa.
2 Makoronike 20:9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana tikawirwa neɀakaipa, kana munondo wokutoŋga, kana ɗenda, kana nzara, ticamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigocema kwamuri tiri pakutambudzika kweɗu; ipapo mucatinzwa nokutirwira.
2 Makoronike 20:9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)