2 Makoronike 18:1-34
2 Makoronike 18:1-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jehoshafati akava nepfuma zhinji nokukudzwa kukuru, uye akava noukama naAhabhu nokuda kwokuroorerana. Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaenda kundoshanyira Ahabhu kuSamaria. Ahabhu akauraya makwai akawanda nemombe achiitira iye navanhu uye akamukurudzira kuti arwise Ramoti Gireadhi. Ahabhu mambo weIsraeri akakumbira Jehoshafati mambo weJudha, akati, “Mungandibatsirawo here kundorwisa Ramoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura akati, “Ini ndakaita sewe uye vanhu vangu savanhu vako; tichakubatsirai muhondo.” Asi Jehoshafati akatizve kuna mambo weIsraeri, “Chokutanga, tsvakai kuda kwaJehovha.” Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita vaisvika mazana mana akavabvunza akati, “Tingaenda kundorwisana neRamoti Gireadhi here kana kuti ndorega?” Vakapindura vakati, “Endai nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.” Asi Jehoshafati akabvunza akati, “Hakuna here muprofita waJehovha watingabvunza?” Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watingabvunza nezvaJehovha asi ndinomuvenga nokuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa nguva dzose. Anonzi Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akapindura akati, “Mambo havafaniri kutaura vachidaro.” Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavabati vavo akati, “Uya naMikaya mwanakomana waImira iye zvino.” Vakapfeka nguo dzavo dzoumambo, mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara pazvigaro zvavo zvoushe paburiro pamukova wesuo reSamaria, navaprofita vose vachiprofita pamberi pavo. Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, uye akataura achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Neidzi muchabaya vaAramu kusvikira vaparara.’ ” Vamwe vaprofita vose vachiprofita zvimwe chetezvo, vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi uye mukunde, nokuti Jehovha achariisa mumaoko amambo.” Nhume yakanga yaenda kundodaidza Mikaya yakati kwaari, “Tarira, somunhu mumwe vamwe vaprofita vari kutaura nezvokubudirira kwamambo. Shoko rako ngariwirirane neravamwe, uye utaure zvakanaka.” Asi Mikaya akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu ndinogona kumutaurira chete zvinotaurwa naMwari wangu.” Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, tingaenda here kundorwisana neRamoti Gireadhi kana kuti ndiregere?” Akapindura akati, “Varwisei munokunda nokuti vachaiswa mumaoko enyu.” Mambo akati kwaari, “Kangani kandinofanira kukuita kuti upike kuti usandiudza zvimwe zvinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?” Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira mumaoko samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi, regai mumwe nomumwe wavo adzokere kumba kwake murugare.’ ” Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudzai here kuti haamboprofita zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa chete?” Mikaya akaenderera mberi achiti, “Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake nehondo dzose dzokudenga dzakamira kurudyi rwake nokuruboshwe kwake. Uye Jehovha akati, ‘Ndiani angakwezva Ahabhu mambo weIsraeri kuti andorwisa Ramoti Gireadhi kuti aende kurufu rwake ikoko?’ “Mumwe akataura izvi, mumwe izvo. Pakupedzisira mumwe mweya wakauya, ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ini ndichandomukwezva.’ “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi.’ “Akati, ‘Ndichaenda ndonova mweya wenhema mumiromo yavaprofita vake.’ “Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda unozviita.’ “Saka zvino Jehovha aisa mweya wenhema mumiromo yavaprofita venyu ava. Jehovha akatema chirevo chokuparadzwa kwako.” Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akakwira akandorova Mikaya kumeso nembama akabvunza akati, “Mweya waJehovha waenda nokupi pawabuda mandiri kuti utaure kwauri?” Mikaya akapindura akati, “Uchazozviziva zuva rauchaenda kunohwanda mukamuri yomukati.” Mambo weIsraeri ipapo akarayira akati, “Torai Mikaya mumutumire kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo. Muti, ‘Zvanzi namambo: Isai murume uyu mutorongo uye musamupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka zvakanaka.’ ” Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Jehovha haana kutaura neni.” Akawedzerazve achiti, “Batisisai mashoko angu, imi vanhu vose!” Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwira kuRamoti Gireadhi. Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichapinda muhondo ndakapfeka nguo dzokuti ndisazivikanwa asi imi pfekai nguo dzenyu dzoumambo.” Saka mambo weIsraeri akazvishandura akapinda muhondo. Zvino mambo weAramu akanga arayira vakuru vengoro achiti, “Musarwisana navamwe vose, vadiki kana vakuru kunze kwamambo weIsraeri.” Vakuru vengoro pavakaona Jehoshafati vakafunga kuti ndiye mambo weIsraeri. Saka vakatendeuka kuti vamurwise asi Jehoshafati akachema, Jehovha akamurwira. Mwari akavabvisa kwaari, nokuti vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri iye mambo weIsraeri vakarega kumudzingirira. Asi mumwe munhu akangokanda museve wake usina kunanga munhu ukandobaya mambo weIsraeri pakati pezvikamu zvenguo dzake dzokurwa nadzo. Mambo akataurira muchairi wengoro kuti, “Tendeutsa ngoro undibvise muhondo. Ndakuvara.” Kwezuva rose kurwa kwakaenderera mberi uye mambo weIsraeri akazvitsigira mungoro yake akarwisana navaAramu kusvikira manheru. Zvino pakuvira kwezuva akafa.
2 Makoronike 18:1-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehoshafati akanga ane pfuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawaniranawo naAhabhi. Zvino mamwe makore akati apfuura, iye akaburukira Samaria kuna Ahabhi. Ahabhi akamuurayira iye navanhu vaakanga anavo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramotigireadhi. Ipapo Ahabhi mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo waJudha, “Muchaenda neni Ramotigireadhi here?” Iye akapindura, akati, “Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako; tichaenda newe kundorwa.” Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, “Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.” Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, varume vaiva namazana mana, akati kwavari, “Tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Ivo vakati, “Endai, nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.” Asi Jehoshafati akati, “Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?” Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Mumwe murume achiko, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nokuti haatongoporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi mazuva ose zvakaipa; ndiye Mikaya mwanakomana waImira.” Jehoshafati akati, “Mambo ngaarege kudaro.” Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, “Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.” Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vagere vakafuka nguo dzavo dzoushe padare pasuo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo. Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.’ ” Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, “Endai Ramotigireadhi, muchakunda, nokuti Jehovha achariisa paruoko rwamambo.” Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, “Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.” Ipapo Mikaya akati, “NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naMwari wangu, ndizvo zvandichataura.” Zvino akati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, “Mikaya, tiende kundorwa neRamotigireadhi here, kana ndirege?” Iye akati, “Endai henyu, muchakunda; vachaiswa muruoko rwenyu.” Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani here, kuti undiudze zvokwadi yoga nezita raJehovha?” Iye akati, “Ndakaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi; Jehovha akati, ‘Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.’ ” Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudza here, kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?” Mikaya akati, “Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire kurudyi rwake nokuruboshwe rwake. “Ipapo Jehovha akati, ‘Ndianiko achandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotigireadhi?’ Zvino mumwe akataura achiti zvokuti, nomumwezve akati zvokuti. Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, ‘Ini ndichandomunyengera.’ Jehovha akati kwauri, ‘Neiko?’ Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose.’ Iye akati, ‘Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, unoita saizvozvo.’ “Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha akaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha akataura zvakaipa pamusoro penyu.” Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, “Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?” Mikaya akati, “Uchazviona musi uyo wauchandovanda nawo mukamuri yomukati.” Ipapo mambo waIsiraeri akati, “Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo, muti, ‘Zvanzi namambo, Pinzai munhu uyu mutorongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.’ ” Ipapo Mikaya akati, “Kana mukatongodzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Akati, “Inzwai, imi vanhu, imi mose.” Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda Ramotigireadhi. Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguo dzako dzoushe.” Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa. Zvino mambo weSiria akanga araira vatariri vengoro dzake, akati, “Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.” Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, “Ndiye mambo waIsiraeri.” Naizvozvo vakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehovha akamubatsira; Mwari akavakurudzira kumurega. Zvino vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera. Zvino mumwe murume akawembura uta hwake asingashumbi hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi wengoro, “Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuvadzwa kwazvo.” Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; asi mambo waIsiraeri wakazvitsigira mungoro yake akarwa navaSiria kusvikira madekwana; zvino panguva yokuvira kwezuva akafa.
2 Makoronike 18:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jehoshafati akati zvino ava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo akaita ukama hwokuroorerana naAhabhu. Kwapera makore akati kuti akadzika kwaAhabhu kuSamaria. Ahabhu akamuurayira hwai nemombe dzakawanda pamwechete navanhu vaaiva navo, akamukurudzira kukwira kuRamoti kuGireadhi kundorirwisa. Ahabhu mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati mambo wokwaJudha, “Hamungaendewo neni here kuguta reRamoti rokuGireadhi?” Akamupindura achiti, “Inga tiri vamwechete wani. Vanhu vangu vanongovawo vanhu venyu. Tichange tinemi muhondo yacho.” Jehoshafati ndokuti kuna mambo wokwaIsiraeri, “Madii kutanga manzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo?” Ipapo mambo wokwaIsiraeri akaungaidza vaporofita mazana mana akavati, “Toenda here kundorwisa guta reRamoti kuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Ivo ndokuti, “Endai zvenyu nokuti Mwari achariisa mumaoko amambo.” Asi Jehoshafati akati, “Hapana here mumwe muporofita waTenzi watingabvunze?” Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Pachine mumwe murume mumwechete watinganzwe naye kuti Tenzi anoti kudii nazvo. NdiMikaya mwanakomana waImura. Asi ini ndinomuvenga nokuti haamboporofita zvakanaka nezvangu asi zvakaipa mazuva ese.” Jehoshafati ndokuti, “Dai mukarega kutaura muchidaro mambo.” Mambo wokwaIsiraeri akadaidza rimwe gurukota ndokuriti, “Kurumidza kuunza pano Mikaya mwanakomana waImura.” Izvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoumambo vakapfeka magemenzi avo oumambo vagere panhandare pasuo guru rokupinda muSamaria. Izvozvo vaporofita vose vaingunoporofita vari pamberi pavo. Zedhekiya mwanakomana waKenaana akazvigadzirira nyanga dzesimbi ndokuti, “Zvanzi naTenzi, ‘Nenyanga idzi uchatunga nadzo vaSiria kusvikira vaparadzwa.’ ” Vaporofita vose ndozvavakaporofitawo izvozvo vachiti, “Kwirai zvenyu kuguta reRamoti rokuGireadhi mundokurira. Tenzi achariisa mumaoko amambo.” Nhume yakaenda kundodaidza Mikaya, yakamuti, “Chinzwaika, uku vaporofita vose shoko ravari kutaura rimwechete rokuti zvinhu zvichandonakira mambo. Saka imimi dai zvamuchandotaura zvikafananawo nezviri kutaurwa nomumwe nomumwe wavo zvivewo zvakanaka.” Asi Mikaya akati, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu kuti zvinenge zvarehwa naMwari wangu izvozvo ndozvandichataura.” Paakasvika pana mambo, mambo akamubvunza kuti, “Nhai Mikaya, toenda here kundorwisa guta reRamoti rokuGireadhi kana kuti ndorega zvangu?” Iye akapindura achiti, “A, endai zvenyuka mundokunda, vachaiswaka mumaoko enyu.” Asi mambo ndokumuti, “Unoda kuti ndikuudze kangani kundipikira kutaura chokwadi muzita raTenzi.” Iye ndokuti, “Ndaona Isiraeri yose yaita bararamhanya mumakomo sehwai dzisisina mufudzi. Tenzi akati, ‘Ivava ava havasisina vanatenzi vavo. Munhu wose ngaadzokere zvake kumusha kwake.’ ” Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndozvandambokuudzai wani kuti haaporofite zvakanaka nezvangu asi zvakaipa.” Mikaya akati, “Chinzwai zviri kutaurwa naTenzi. Ndaona Tenzi agere pachigaro chake choumambo akakutwa negurusvusvu rehondo dzose dzokudenga kurudyi nokuruboshwe. Tenzi ati, ‘Ndiani angaende zvake akafurira Ahabhu mambo wokwaIsiraeri kuti aende kuguta reRamoti kuGireadhi andopararirako?’ Vakadoma-toma vachitaura twakasiya-siyana, ndokubva kwauya mumwe mweya ukamira pana Tenzi ukati, ‘Ini zvangu ndinondomufurira.’ Tenzi akabva auti, ‘Unondomufurira sei?’ Iwo ndokuti, ‘Ndinoenda zvangu kundova mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita vake vose.’ Iye ndokuti, ‘Enda undomufurira, uchazvigona. Chienda uite saizvozvo.’ ” Naizvozvo chinzwai, “Tenzi aisa mweya wokunyepa mumuromo yavaporofita venyu ivava. Pamatemerwa naTenzi pakaoma.” Zedhekiya mwanakomana waKenaana akaswedera munyasi naMikaya ndokumudzemura nembama padama akati, “Mweya waTenzi wabva sei mandiri uchiuya kuzotaura wavamauri?” Mikaya akati, “Chinzwaka, uchazvionera zvako musi wauchatizira mumba yomukati kundohwanda.” Mambo wokwaIsiraeri ndokuti, “Batai Mikaya uyu mudzokere naye kuna Amoni mutongi weguta rino, kuna Joashi mwanakomana wamambo muti, zvanzi namambo, pfigirai muchinda uyu mujeri, mumupe chokudya nemvura zvokudzora mwoyo chete kudzamara ini ndadzokawo zvakanaka.” Mikaya akati, “Kana mukadzoka zvakanaka Tenzi anenge asina kutaurawo nemandiri.” Ndokubvawo ati, “Zvinzwei vanhu mose!” Saizvozvo mambo wokwaIsiraeri naJehoshafati mambo wokwaJudha vakakwidza kuguta reRamoti rokuGireadhi. Mambo wokwaIsiraeri akati kuna Jehoshafati, “Ndichazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndipindewo mukati mokurwa, asi imi mopfeka magemenzi enyu oumambo.” Mambo wokwaIsiraeri akazvivanziridza kuita somumwewo munhu ndokubva apindawo mukati mehondo. Izvozvo mambo weSiria akanga afanoudza vakuru vakuru vengoro dzake dzehondo kuti, “Regai zvenyu kuzvinetsa kuswerorwisa vakuru vakuru kana vadiki zvavo asi ingonanganai namambo wokwaIsiraeri.” Vakuru vakuru vengoro dzehondo vaya pavakaona Jehoshafati vakati, “Ndiyeyu chete mambo wokwaIsiraeri.” Ndokubva vati naye tande kumurwisa, Jehoshafati ndokubva aridza mhere, Tenzi ndokumubatsira. Mwari akavabvisa kwaari nokuti pakaona vakuru vakuru vaye kuti haasiriye mambo wokwaIsiraeri vakabva varega kumudzingirira. Asi mumwe murume akangokandawo zvake museve wake ukabaya mambo wokwaIsiraeri nechepakati panosangana mabandiko amademautare rapadundundu nereruoko kuzvidzivirira naro muhondo. Naizvozvo akati kumuchairi wengoro yake yehondo, “Chitendeuka unditakurire kunze kwehondo. Ndakuvadzwa ini!” Hondo yakatsviriridza musi iwoyo mambo wokwaIsiraeri ndokuramba akatsigirirwa ari mungoro yehondo akatarisa kuvaSirira kusvikira kumanheru ndokuzobva afa zuva rodoka.
2 Makoronike 18:1-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehoshafati wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa kukuru; akawanirana ʋo naAhabi. Ɀino mamŋe makore akati apfuʋura, iye akaɓurukira Samaria kunaAhabi. Ahabi akamuʋurayira iye naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo makwai nenzombe zhinji, akamukurudzira kuenda naye Ramoti‐gireadi. Ipapo Ahabi mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati mambo waJuda: Mucaenda neni Ramoti‐gireadi here? Iye akapindura, akati: Ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako; ticaenda newe kundorwa. Jehoshafati akati kunamambo waIsraeri: ɗombobvunza hako shoko raJehova nhasi. Ɀino mambo waIsraeri akaʋuŋganidza ʋaprofita, ʋarume ʋaiʋa namazana manna, akati kwaʋari: Tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iʋo ʋakati: Endai, nokuti Mŋari ucariisa mumaʋoko amambo. Asi Jehoshafati akati: Hakucina‐mumŋe muprofita waJehova pano here, timubvunze? Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Mumŋe murume uci’ko, watiŋgabvunza kuɗa kwaJehova naye, asi ini ndinomuʋeŋga, nokuti haatoŋgoprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi mazuʋa ose ɀakaipa; ndiye Mikaya mŋanakomana waImra. Jehoshafati akati: Mambo ŋgaarege kuɗaro. Ɀino mambo waIsraeri akaɗana muranda, akati: Kurumidza undotora Mikaya mŋanakomana waImra. Ɀino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJuda ʋakaŋga ʋagere mumŋe nomumŋe pacigaro cake coʋushe, ʋagere ʋakafuka ŋguʋo dzaʋo dzoʋushe paɗare pasuʋo reSamaria; ʋaprofita ʋose ʋakaprofita pamberi paʋo. Zedekia mŋanakomana waKenaani akaɀiitira nyaŋga dzamatare, akati: Ɀanzi naJehova: Nedzidzi mucatuŋga ʋaSiria, kuȿikira ʋapera. Naʋamŋe ʋaprofita ʋose ʋakaprofita saiɀoɀo, ʋakati: Endai Ramoti‐gireadi, mucakunda, nokuti Jehova ucariisa paruʋoko rwamambo. Ɀino nhume yakaŋga yandoɗana Mikaya yakataura kwaari, ikati: Tarirai, mashoko aʋaprofita anobvumirana acitaura ɀakanaka kunamambo; ɀino ndinokumbira kuti shoko renyu riʋe seshoko romumŋe waʋo, mutaure ʋo ɀakanaka. Ipapo Mikaya akati: NaJehova mupenyu, iɀo ɀinorebga naMŋari waŋgu, ndiɀo ɀandicataura. Ɀino wakati aciȿika kunamambo, mambo akati kwaari: Mikaya, tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iye akati: Endai henyu, mucakunda; ʋacaiswa muruʋoko rwenyu. Mambo akati kwaari: Ndinofanira kukupikisa kaŋgani here, kuti undiʋudze ɀokwaɗi yoga nezita raJehova? Iye akati: Ndakaʋona ʋaIsraeri ʋose ʋakapararira pamakomo samakwai asino‐mufudzi; Jehova akati: Aʋa haʋanatenzi, mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumusha kwake norugare. Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Handina‐kukuʋudza here, kuti haaŋgaprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi ɀakaipa? Mikaya akati: Ɀino cinzwai shoko raJehova: Ndakaʋona Jehova agere pacigaro cake coʋushe, nehondo dzose dzokuɗeŋga dzimire kurudyi rwake nokuruɓoshwe rwake. Ipapo Jehova akati: Ndianiko ucandonyeŋgera Ahabi, aende, andoʋurawa paRamoti‐gireadi? Ɀino mumŋe akataura aciti ɀokuti, nomumŋe ɀe akati ɀokuti. Ɀino mŋeya ukaɓuɗa, ukamira pamberi paJehova, ukati: Ini ndicandomunyeŋgera. Jehova akati kwauri: Neiko? Iwo ukati: Ndicaenda, ndicaʋa mŋeya wenhema mumiromo yaʋaprofita ʋake ʋose. Iye akati: Iwe ndiwe ucamunyeŋgera, ucakunda ʋo; enda hako, undoita saiɀoɀo. Naiɀoɀo ɀino, tarirai Jehova wakaisa mŋeya wenhema mumiromo yaʋaprofita ʋenyu aʋa ʋose, asi Jehova wakataura ɀakaipa pamsoro penyu. Ipapo Zedekia mŋanakomana waKenaani akasweɗera, akaroʋa Mikaya paɗama rake, akati: Mŋeya waJehova wakaenda nepiko ucibva kwandiri kundotaura newe? Mikaya akati: Ucaɀiʋona musi uyo waucandoʋanda nawo mukamuri yomukati. Ipapo mambo waIsraeri akati: Ƃatai Mikaya, mumuise kunaAmoni muɓati weguta, nokunaJoashi mŋanakomana wamambo, muti: Ɀanzi namambo: Pinzai munhu uyu mutoroŋgo, mumupe ɀokudya ɀokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kuȿikira ndicidzoka norugare. Ipapo Mikaya akati: Kana mukatoŋgodzoka norugare, Jehova haana‐kutaura neni. Akati: Inzwai, imi ʋanhu, imi mose. Naiɀoɀo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJuda ʋakaenda Ramoti‐gireadi. Ɀino mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Ini ndicaɀishandura, ndigondorwa; asi iwe cifuka ŋguʋo dzako dzoʋushe. Mambo waIsraeri akaɀishandura, ʋakandorwa. Ɀino mambo weSiria wakaŋga araira ʋatariri ʋeŋgoro dzake, akati: Regai kurwa naʋaɗuku kana naʋakuru, asi namambo waIsraeri oga. Ɀino ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona Jehoshafati, ʋakati: Ndiye mambo waIsraeri. Naiɀoɀo ʋakatsaukira kundorwa naye; asi Jehoshafati wakaridza mhere, Jehova akamuɓatsira; Mŋari akaʋakurudzira kumurega. Ɀino ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona kuti haazi mambo waIsraeri, ʋakadzoka pakumuteʋera. Ɀino mumŋe murume akawembura ʋuta bgake asiŋgashumbi hake, akafura mambo waIsraeri pakati peɀisuŋgo ɀeŋguʋo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi weŋgoro: Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo. Kurwa kukanyanya kwaɀo nomusi uyo; asi mambo waIsraeri wakaɀitsigira muŋgoro yake akarwa naʋaSiria kuȿikira maɗekwana; ɀino paŋguʋa yokuʋira kwezuʋa akafa.
2 Makoronike 18:1-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)