2 Makoronike 1:7-10
2 Makoronike 1:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chose chaungada kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari akati, “Makaratidza unyoro hwenyu hukuru kwazvo kuna Dhavhidhi baba vangu uye mukandiita mambo pachinzvimbo chavo. Zvino, Jehovha Mwari, itai henyu kuti chivimbiso chenyu kuna baba vangu Dhavhidhi chizadziswe, nokuti makandiita mambo pamusoro pavanhu vakawanda seguruva renyika. Ndipeiwo uchenjeri noruzivo, kuti ndigotungamirira vanhu ava, nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu vakawanda ava?”
2 Makoronike 1:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akati kuna Mwari “Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo. “Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo. Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?”
2 Makoronike 1:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akapindura Mwari achiti, “Makaitira baba vangu Dhavhidhi mwoyochena mukuru kwazvo mukandiitawo kuti ndive mambo panzvimbo yavo. Nhai Tenzi Mwari, dai mukachizadzisa waro zvamakatsidzira baba wangu Dhavhidhi sezvo makandiita mambo werudzi rwavanhu vakawanda seguruva renyika kudai. Zvino ndipeiwo ungwaru noruzivo kuti ndigone kutungamirira vanhu ava nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai.”
2 Makoronike 1:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino noʋusiku ubgo Mŋari akaɀiratidza kunaSoromoni, akati kwaari: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. Soromoni akati kunaMŋari: Makaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panɀimbo yaʋo. Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakapikira Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ŋgarisimbiswe; nokuti makandiita mambo waʋanhu ʋakafanana neguruʋa renyika pakuwanda kwaʋo. Ɀino ndipei henyu njere nokuziʋa, kuti ndiɓuɗe nokupinda pamberi paʋanhu aʋa; nokuti ndiani uŋgagona kutoŋga ʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda ʋakaɗai?
2 Makoronike 1:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)