2 Makoronike 1:11-12
2 Makoronike 1:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari akati kuna Soromoni, “Sezvo ichi chiri chido chemwoyo wako uye hauna kukumbira upfumi hwakawanda kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, uye nokuti hauna kukumbira upenyu hurefu asi uchenjeri noruzivo kuti utonge vanhu vangu avo vandakuita mambo pamusoro pavo, naizvozvo uchapiwa uchenjeri noruzivo. Uye ini ndichakupawo upfumi, hwakawanda nokukudzwa zvisati zvambowanikwa namadzimambo ose akakutangira zvakare hakunazve mambo achauya shure kwako achava nazvo.”
2 Makoronike 1:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo; zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa pfuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.”
2 Makoronike 1:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akati kuna Soromoni, “Pamusana pokuti izvi ndozvawada nemwoyo wako ukarega kukumbira kuti uve nezvinhu kana upfumi kana ukuru kana kuti vanokuvenga vafe kunyange kuzvikumbirira upenyu hurefu, asi wazvikumbirira ungwaru noruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakati iwe uve mambo wavo, naizvozvo ungwaru noruzivo watozvipiwa. Ndichakupawo upfumi nezvinhu zvakowo noukuru zvisina ati akambova nazvo pamadzimambo akakutangira kana achauya mushure mako achava nezvakadaro.”
2 Makoronike 1:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo; ɀino njere nokuziʋa unoɀipiwa iwe; ʋuye ndicakupa fuma, neɀakawanda, nokukudzwa, ɀisina‐kumbopiwa mumŋe wamadziɓaɓa akakutaŋgira; ʋuye hapanomumŋe ucakuteʋera ucaʋa neɀakaɗai.
2 Makoronike 1:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)