Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 6:6-8 - Compare All Versions

1 Timoti 6:6-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo.

Pakurirana nevamwe
1 Timoti 6 BDSC

1 Timoti 6:6-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo.

Pakurirana nevamwe
1 Timoti 6 SNA2002

1 Timoti 6:6-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo; nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu; asi kana tineɀokudya neɀokufuka, ticatenda naɀo.

Pakurirana nevamwe
1 Timoti 6 SUB1949

1 Timoti 6:6-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana.

Pakurirana nevamwe
1 Timoti 6 SCLB

1 Timoti 6:6-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana.

Pakurirana nevamwe
1 Timoti 6 SCLBD