1 Timoti 4:6-10
1 Timoti 4:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana ukadzidzisa hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, akarerwa muzvokwadi yokutenda uye nedzidziso yakanaka yawakatevera. Siyana nengano dzisina umwari uye nengano dzechembere; asi uzvirovedzere paumwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hako asi umwari hunokosha pazvinhu zvose, hune vimbiso kune zvose muupenyu huno uye nomuupenyu hunouya. Iri ishoko rechokwadi rinofanira kutendwa zvizere uye nokuda kwaizvozvi tinoshingaira nokurwa, nokuti takaisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova ndiye muponesi wavanhu vose uye zvikuru sei vaya vanotenda.

1 Timoti 4:6-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana uchiudzira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri akanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakatevera nomwoyo wose. Asi urambe ngano dzisina hanya naMwari nedzechembere. Uzvirovedze kunamata Mwari. Nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo, asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya. Ishoko rachokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo. Nokuti ndizvo zvatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yedu iri kuna Mwari mupenyu, Muponesi wavanhu vose, zvikuru wavanotenda.
1 Timoti 4:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvi ukazvidzidzisa vehama unenge wava mushandi wakanaka waKristu Jesu akapiwa chokudya chamazwi echitendero norudzidziso rwakanaka rwawakatevera. Siyana nengano dzisina Mwari uye dzisina musoro. Zvidzidzise kuita zvina Mwari mukati. Kuzviswatudza muviri kune basawo asi kuzviswatudza kune zvaMwari kunobatsira nenzira dzose nokuti kunotsidzira mubayiro paupenyu hwapasi pano noupenyu hwokudenga. Iyi itsumo yakanaka uye inonyatsogamuchirika. Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda.
1 Timoti 4:6-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana uciyeʋudzira hama ɀinhu iɀi, ucaʋa mushumiri wakanaka waKristu Jesu, wakarerwa namashoko okutenda needzidziso yakanaka, yawakateʋera nomŋoyo wose. Asi urambe ŋgano dzisinehanya naMŋari nedzecembere. Uɀiroʋedze kunamata Mŋari. Nokuti kuroʋedza muʋiri kunoɓatsira ɀishoma haɀo, asi kunamata Mŋari kunoɓatsira paɀinhu ɀose, ɀakunecipikirwa coʋupenyu bgaɀino nobgunoʋuya. Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo. Nokuti ndiɀo ɀatinotambudzikira nokurwira, nokuti tariro yeɗu iri kunaMŋari mupenyu, Muponesi waʋanhu ʋose, ɀikuru waʋanotenda.
1 Timoti 4:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)