1 Timoti 4:1-5
1 Timoti 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
1 Timoti 4:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mweya anoreva pachena, kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzomweya yakaipa, vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa, vachidzivisa vanhu kuwanana, nokurayira kuti zvimwe zvokudya zviregwe, zvakasikwa naMwari, kuti zvigamuchirwe nokuvonga navanotenda, vanoziva chokwadi. Nokuti zvose zvakasikwa naMwari zvakanaka, hakuna chinhu chingafanira kurashwa, kana chichigamuchirwa nokuvonga; nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.
1 Timoti 4:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya Mutsvene anotaura pachena kuti pamazuva okupedzisira vamwe vachakanda pasi chitendero pamusana pokuteerera mweya inonyengedza nezvidzidziso zvemweya yakaipa zvinodzidziswa navarevi venhema vanobata vanhu kumeso vane hana dzakadhindwa nomuchiso vanoti vanhu ngavarege kuroorana varege kudya zvimwe zvokudya zvakasikwa naMwari zvinofanira kugamuchirwa nokutenda navanhu vanodavira vachiziva chokwadi. Chikonzero ndechokuti chinhu chose chakasikwa naMwari, chakanaka uye hapana chinofanira kurambwa asi ngachigamuchirwewo nokutendwa pakadaro chinenge chatoyereswa neShoko raMwari nomunamato.
1 Timoti 4:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋeya unoreʋa pacena, kuti paŋguʋa dzinoʋuya ʋamŋe ʋacatsauka pakutenda, ʋaciterera mŋeya inonyeŋgera nedzidziso dzemŋeya yakaipa, ʋacinyeŋgerwa naʋanoreʋa nhema, ʋakapiswa pahana dzaʋo neɗare rinopisa, ʋacidziʋisa ʋanhu kuwanana, nokuraira kuti ɀimŋe ɀokudya ɀiregwe, ɀakasikwa naMŋari, kuti ɀigamucirwe nokuʋoŋga naʋanotenda, ʋanoziʋa ɀokwaɗi. Nokuti ɀose ɀakasikwa naMŋari ɀakanaka, hakunecinhu ciŋgafanira kurashwa, kana cicigamucirwa nokuʋoŋga; nokuti cinoitwa citȿene neshoko raMŋari nokunyeŋgetera.
1 Timoti 4:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)