1 Timoti 3:1-7
1 Timoti 3:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari. Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka. (Kana munhu asingazivi kubata imba yake zvakanaka, angachengeta seiko kereke yaMwari?) Asava mutendi mutsva, nokuti angazozvikudza akazotongwa zvimwe chetezvo sadhiabhori. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuitira kuti arege kuzvidzwa, uye agowira mumusungo wadhiabhori.
1 Timoti 3:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rakanaka. Naizvozvo mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, akangwara, akachenjera, anomugariro wakafanira, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, asingadi waini, asingarwi; asi munyoro, asina gakava, asingakariri mari; anobata imba yake zvakanaka, anavana vanozviisa pasi nomugariro wose unokudzwa; (kana munhu asingazivi kubata imba yake, angachengeta seiko kereke yaMwari?) Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzozvikudza, atongwe saDhiabhori. Uyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa, nokubatwa mumusungo waDhiabhorosi.
1 Timoti 3:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko iri nderechokwadi rinoti kana munhu akavavarira kuva mubhishopi ari kuda basa rakakosha kwazvo. Mubhishopi haafaniri kuva nechaanoshorwa nacho. Anofanira kuva murume womukadzi mumwechete asiri muraradzi, munhu anonzwisisa ane chiremera anoziva kugamuchira vaenzi uye mudzidzisi kwaye; asi chidhakwa chomunhu kana munhu anoda zvokurwa asiri munhu ane mwoyo munyoro kwete munhu wenharo kana anokarira mari. Anofanira kuva munhu anofambisa mhuri yake zvakanaka ana vana vanoteerera, ano rukudzo muna zvose. Zviripo ndezvokuti kana munhu asingazivi kufambisa mhuri yake, angachengete sei sangano raMwari. Haafaniri kuva mutendi mutsva nokuti angadaro akazvitutumadza nokuzvikudza achizowana chirango chaDhiabhori. Uyewo anofanira kuva nezita rakanaka kune vokunze angadaro akafumurwa akapinda muriva raDhiabhori.
1 Timoti 3:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishoko raɀokwaɗi, rokuti, kana munhu acitȿaka ɓasa romutariri, unoɗa ɓasa rakanaka. Naiɀoɀo mutariri unofanira kuʋa munhu usina‐caaŋgapomerwa, murume womukadzi mumŋe cete, wakaŋgwara, wakacenjera, unomugarire wakafanira, unoitira ʋaeni ruɗo, unoziʋa kudzidzisa, usiŋgaɗi waini, usiŋgarwi; asi munyoro, usinegakaʋa, usiŋgakariri mari; unoɓata imba yake ɀakanaka, unaʋana ʋanoɀiisa pasi nomugarire wose unokudzwa; (kana munhu asiŋgaziʋi kuɓata imba yake, uŋgaceŋgeta seiko kereke yaMŋari?) Asaʋa mutendi mutȿa, kuti arege kuzoɀikudza, atoŋgwe saDiaborosi. Ʋuye ɀe, unofanira kupupurirwa ɀakanaka naʋari kunze, kuti arege kuɀidzwa, nokuɓatwa mumusuŋgo waDiaborosi.
1 Timoti 3:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)