1 Timoti 2:2-3 - Compare All Versions
1 Timoti 2:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu.
1 Timoti 2:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa. Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu
1 Timoti 2:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
madzimambo, naʋose ʋari ʋakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mŋari kwose, nomugarire unokudzwa. Ndiɀo ɀakanaka, ɀinofadza pamberi paMŋari, Muponesi weɗu
1 Timoti 2:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose. Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu
1 Timoti 2:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)