Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 4:9-10 - Compare All Versions

1 VaTesaronika 4:9-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino kana rwuri rudo kuhama, hatitsvaki kukunyorerai, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kuti mudanane. Uyezve, munoda hama dzose muMasedhonia yose. Asi tinokukurudzirai, hama, kuti muite izvozvo uye muchiwedzera.

Pakurirana nevamwe
1 VaTesaronika 4 BDSC

1 VaTesaronika 4:9-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino, kana ruri rudo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane; nokuti ndizvo zvamunoitira hama dzose dzeMakedhonia yose, asi tinokurayirai, hama dzangu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaizvozvi

Pakurirana nevamwe
1 VaTesaronika 4 SNA2002

1 VaTesaronika 4:9-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Panyaya yorudo navamwe vanamati, hazvimboda kuti munhu akunyorerei, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kudana. Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo

Pakurirana nevamwe
1 VaTesaronika 4 SCLBD

1 VaTesaronika 4:9-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino, kana ruri ruɗo pakati pehama, hamufaniri kuti munyorerwe, nokuti imi mumene makadzidziswa naMŋari kuti muɗane; nokuti ndiɀo ɀamunoitira hama dzose dzeMakedonia yose, asi tinokurairai, hama dzaŋgu, kuti muwanze nokuwanzisisa panaiɀoɀi

Pakurirana nevamwe
1 VaTesaronika 4 SUB1949

1 VaTesaronika 4:9-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Panyaya yorudo navamwe vanamati, hazvimboda kuti munhu akunyorerei, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kudana. Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo

Pakurirana nevamwe
1 VaTesaronika 4 SCLB