1 VaTesaronika 2:8-12
1 VaTesaronika 2:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Taikudai zvikuru zvokuti takafara kuti tigoverane nemi, kwete vhangeri raMwari bedzi, asi noupenyu hweduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Zvirokwazvo munorangarira, hama, kutambudzika kwedu nokuomerwa kwedu; takashanda usiku namasikati kuti tirege kuremedza munhu upi zvake patakanga tichiparidza vhangeri raMwari kwamuri. Imi muri zvapupu, uye naMwariwo, kuti takanga tiri vatsvene sei, vakarurama uye vasina chavangapomerwa pakati penyu imi vanotenda. Nokuti munoziva kuti takabata mumwe nomumwe wenyu sababa vanobata vana vavo, tichikukurudzirai tichikunyaradzai uye tichikukurudzirai kuti murarame zvakafanira kuna Mwari, iye anokudanai kuumambo hwake nokukubwinya kwake.
1 VaTesaronika 2:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari. Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda. Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, tichikurayirai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake.
1 VaTesaronika 2:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri. Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari. Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii. Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake, ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake.
1 VaTesaronika 2:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
saiɀoɀo takakushuʋai kwaɀo, tikati ɀakanaka kuti tirege kugoʋana nemi Evaŋgeri yaMŋari ɓedzi, asi kunyaŋge nemŋeya yeɗu ʋo, nokuti makaŋga maɗikanwa nesu kwaɀo. Nokuti, hama dzaŋgu, munoraŋgarira kutambudzika nokurwa kweɗu; taiɓata ʋusiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu, tikakuparidzirai Evaŋgeri yaMŋari. Imi muri ɀapupu, naMŋari ʋo, kuti taifamba noʋutȿene nokururama, tisina‐catiŋgapomerwa kwamuri, imi ʋanotenda. Seɀamunoziʋa kuti takaita nemi, mumŋe nomumŋe wenyu, saɓaɓa ʋanoita naʋana ʋaʋo, ticikurairai, ticikusimbisai, ticikupupurirai, kuti mufambe ɀakafanira Mŋari, iye unokuɗanirai kuʋushe bgake nokubginya kwake.
1 VaTesaronika 2:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)