1 VaTesaronika 2:13-16
1 VaTesaronika 2:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nesuwo tinotenda Mwari nguva dzose, nokuti pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko ravanhu, asi sezvariri, iro shoko raMwari, riri kubata mamuri imi vanotenda. Nokuti imi, hama, makava vateveri vekereke dzaMwari dziri muJudhea, dziri muna Kristu Jesu: Makatambudzwa navanhu vomunyika menyu, saizvozvo kereke idzodzo dzakatambudzwawo navaJudha, ivo vakauraya Ishe Jesu uye navaprofita uye vakatidzinga nesuwo. Havana kufadza Mwari uye vanorwa navanhu vose mukushinga kwavo kutidzivisa kuti titaure kuvahedheni kuti vaponeswe. Nenzira iyi vanoramba vachiunganidza zvivi zvavo kusvikira kumagumo. Kutsamwa kwaMwari kwazosvika pamusoro pavo pakupedzisira.
1 VaTesaronika 2:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka isuo tinoramba tichivonga Mwari, kuti panguva yamakagamuchira shoko, iro shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi seshoko raMwari, (riri iro zvirokwazvo) rinobatawo mukati menyu, imi munotenda. Nokuti imi, hama dzangu, makava vateveri vekereke raMwari riri muJudhea muna Kristu Jesu; nokuti nemiwo makatambudzwa saizvozvo novekwenyu, sezvavakatambudzwa ivo navaJudha. Ndivo vakauraya Ishe Jesu navaPorofita, vakatidzinga isu, vasingafadzi Mwari, vachirwa navanhu vose; vanotidzivisa kuti tirege kuparidzira vahedheni, kuti vaponeswa; kuti varambe vachizadzisa zvivi zvavo; asi kutsamwa kwakaburukira pamusoro pavo kusvikira pakuguma.
1 VaTesaronika 2:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi. Imi hama, makasanganawo nezvakawira masangano aMwari okuJudhea muna Kristu Jesu nokuti imi makarwadziwawo nezvinhu zvakabva kuvanhu vomunyika menyu sezvavakaitwawo navaJudha. Vakauraya Tenzi Jesu navaporofita uye vakatitandanisa; vanotsamwisa Mwari vachiita zvinorwisana navanhu vose nokutidzivisa kutaura kune vechirudzi kuti vaponeswe. Naizvozvo vanotozadzikisa ukuru hwezvitadzo zvavo. Asi pokupedzisira Mwari avakuvavinga nehasha dzake.
1 VaTesaronika 2:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka isu ʋo tinoramba ticiʋoŋga Mŋari, kuti paŋguʋa yamakagamucira shoko, iro shoko raMŋari, ramakanzwa kwatiri, hamuna‐kurigamucira seshoko raʋanhu, asi seshoko raMŋari, (riri iro ɀirokwaɀo) rinoɓata ʋo mukati menyu, imi munotenda. Nokuti imi, hama dzaŋgu, makaʋa ʋateʋeri ʋekereke dzaMŋari dziri muJudea munaKristu Jesu; nokuti nemi ʋo makatambudzwa saiɀoɀo noʋokwenyu, seɀaʋakatambudzwa iʋo naʋaJuda. Ndiʋo ʋakaʋuraya Ishe Jesu naʋaprofita, ʋakatidziŋga isu, ʋasiŋgafadzi Mŋari, ʋacirwa naʋanhu ʋose; ʋanotidziʋisa kuti tirege kuparidzira ʋahedeni, kuti ʋaponeswe; kuti ʋarambe ʋacizadzisa ɀiʋi ɀaʋo; asi kutsamŋa kwakaɓurukira pamsoro paʋo kuȿikira pakuguma.
1 VaTesaronika 2:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)